Varimi vogadzirira kukohwa
Muchaneta Chimuka SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union rinoti zvirimwa zvizhinji zvakarimwa muzhizha hazvisati zvasvika panguva yekukohwewa uye varimi vechibage vanokurudzirwa kuti vaone kuti chaoma sezvinotarisirwa vasati vachiendesa
Zvakakosha kushanyira sitendi yeNAC kuZITF
Tadiwa Nyatanga-Pfupa SANGANO reNational AIDS Council (NAC) rinoshanda zviri pamutemo kuti ringe richishanda mumabasa akasiyana ekurwisa utachiona hweHIV uye richange richiratidzira mamwe acho pachirongwa che59th Edition of the Zimbabwe International…
‘Siyai vana vakure, kwete kuvaroodza’
Muchaneta Chimuka MASANGANO anomirira kodzero dzevanhukadzi anoti ari kushushikana nekuroodzwa kuri kuitwa vamwe vanasikana vasati vabva zera izvo zvinoita kuti vasiire chikoro panzira zvichizokanganisa remangwana ravo. Mashoko aya akabuda pamusangano wakaitwa…
‘Vadzidzi 100 000 havana pekugara’…Tiri kuvaka kumayunivhesiti: Murwira
Tandayi Motsi HURUMENDE inoti iri kutora matanho akasimba mukuedza kugadzirisa dambudziko rekushaya pekugara iro rakatarisana nevadzidzi vanodarika 100 000 vekumayunivhesiti nemakoreji akasiyana munyika. Izvo zvinonzi zviri kuvakanganisa kufunda zvakanaka kwevadzidzi.…
Independence: Mufaro wakawedzerwa
NEZURO ndakaona nhandare dzakazara. Kufashukira chaiko vana veZimbabwe vachipemberera makore 38 ekuzvitonga kuzere nerusununguko rwakaunzwa mushure mehondo yeChimurenga iyo yakarohwa kwemakore akawanda kusvika 1980. April 18 izuva rakatikoshera tose muZimbabwe…
Idya sadza nezondo
MAZONDO emombe anonaka zvikuru uye anofarirwa nevakawanda sezvo achinzi anosimbisa musana. Svondo rino, Precious Gunundu wekuKwekwe anotsanangura mamwe mabikirwo emazondo. Zvinodiwa: Poto, chikari, mvura yakachena, munyu, mazondo akaparwa akachekwa. Mabikirwo: Tora…
Vovakirwa makiriniki kuGokwe
Kingstone Mapupu VAGARI vekwaMapfungautsi, kuGokwe, vanotarisirwa kubatsirika zvikuru munyaya dzeutano zvichitevera kuvakwa kuri kuitwa makiriniki matsva matanhatu nekuvandudzwa kwemamwe mana nemumwe muzvinhabhizimisi weko. Basa rebudiriro iri riri kuitwa naVaTawanda Karikoga…
Ozvambura mukadzi nesimbi
Janet Chari MURUME wekuendeswa kudare nemudzimai wake achinzi ari kumushungurudza anotsinhira kuti amunorova nekuda kwekuti ari kurambira nemidziyo yake sezvo asisina basa naye. Tsitsi Mudzengerere akamhan’arira Cloud Gande kuHarare Civil Court…
Grade 7: Mhuka nemazita evana vadzo
Ticha Danga REGAI tikochekere patakasiira muchikamu chakapfuura kuitira kuti chitima chedu chisagujunuke panzira. Takapedzisira takanangana nemazera emhuka kubvira mukubarwa kwadzo apo takatarisa mhuka dzakaita semakudo nezvipfuyo zvakaita
Vanondida vakawanda, ndinoswera ndaroorwa
naIgnatius Mabasa KAZHINJI, kana mukadzi achinge afirwa nemurume wake, haana hunhu hunowanzoitwa nevarume hwekuti anobva atsvaga mumwe murume wekuti amuroore. Varumewo kazhinji kana vafirwa havatore nguva refu vasati varoora zvakare. Asi…









