Independence: Mufaro wakawedzerwa

NEZURO ndakaona nhandare dzakazara. Kufashukira chaiko vana veZimbabwe vachipemberera makore 38 ekuzvitonga kuzere nerusununguko rwakaunzwa mushure mehondo yeChimurenga iyo yakarohwa kwemakore akawanda kusvika 1980.

April 18 izuva rakatikoshera tose muZimbabwe nokuti takaturwa mutoro watakange tatakudzwa navapambepfumi nevadzvanyariri kwemakore anopfuura zana.

Kuturwa mukwende, zvinoreva kusunungurwa kuita zvaunogona kuita kuti upenyu hwako huve hune pundutso, uyewo kuti Zimbabwe ive nyika inobudirira nokuverengwa pasi rino.

Independence haisi yemutungamiri wenyika neHurumende, kana kuti yeZanu-PF. Haisi yevarwi vehondo verusununguko chete. Haisiwo yechinamato chechiKristu chete.

Independence haisi yevanhu vechikuru chete, uyewo haisi yevapfumi, kana vanhu vatema chete. Independence kana rusununguko nderwako iwe neni – tose mhuri yeZimbabwe. Ndeyevana vose veZimbabwe.

Mhemberero dzegore rino dzine musiyano nedzamakore ose kubva 1980, nokuti President Emmerson Dambudzo Mnangagwa ndivo vave pachigaro. Imhemberero dzinouya apo Zimbabwe yave kutanga kufamba dzimwe nhanho itsva.

Hongu, takafamba makore 37 naCde R.G Mugabe, asi Hurumende yaVaMnangagwa yave nemumwe muono wokuti kwete, rusununguko harurevi kusimudza mureza wedu nokuimba “national anthem” chete, asi kuti zvinoreva kuti upenyu hwavanhu  hungavandudzwa sei, uyewo kuti ramangwana rine chiremera tingaribata sei.

Vanhu vanoda mabasa, maindasitiri anofanirwa kushanda zvakasimba zvakare, migwagwa inofanirwa kugadzirwa, vanhu  vanosungirwa kuwana kugara kwakanaka nezvimwe zvakawanda.

Saka Independence ya2018 inopa chiono chokuti mumakore anotevera vanhu vanenge vachipembera zuva iri nomufaro wakapamhidzirwa, nokuti zvinhu zvavo zvinenge zvichiendeka. Vanotanga kunzwisisa kuti hondo yeChimurenga inorevei.
Makorokoto Zimbabwe! Zvirambe zvakadaro.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *