musha wemuvhangeri wonaya matombo

Kingstone Mapupu MHURI yemurume aimbova muvhangeri wechechi yeZCC Mbungo igere kwaNyika, kuBikita, kuMasvingo, haina rugare sezvo yapatiswa musha ichinogara mudondo zvichitevera kurohwa kwavanoitwa nematombo ayo anopotserwa achibva mumhepo uye moto…

Mai veRuwadzano vakarasa mwana muchimbuzi

Kingstone Mapupu MWANA ane mwedzi mitanhatu yekuberekwa akanunurwa ari mupenyu mushure mekuita mazuva matatu akandwa muchimbuzi chiri pachechi naamai vake kuChiwenga, kwaMambo Kasekete, kuMuzarabani. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central Province,…

Musaroodze vana: mp‘. . . vapei mukana wekudzidza’

Lizzy Mushoriwa MUMIRIRI weZvimba East mudare reNational Assembly, Cde Francis Mukwangwariwa, vanoti zvakakosha kuti vanasikana vapihwe mikana yekudzidza kwete kuvaroodza vachiri ndumurwa. Vakataura mashoko aya svondo rapera pachikoro cheNyavira Secondary…

Tashandura mashandiro: zrp

Malven Mugadzikwa naKumbirai Bakuri VANHU vemunharaunda vonokurudzirwa kushanda pamwe chete nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) nedonzvo rekuderedza kuparwa kwemhosva. Mukuru wemapurisa mudunhu reMashonaland West Province, Senior Assistant Commissioner Felly Chikowero-Mjanga,…

Mutendi akauraya baba nechepfu

Wimbainashe Zhakata naJoel Mugariwa VAGARI vekwaChitakatira, kwaMutare, vakasara vasina remuromo mushure mekunge mutumbi wemurume wakafukunurwa zvichitevera mashoko anoti akauraiwa nemwanakomana wake uyo akamunwisa muchetura nepamusaka pekuti ari kuda nhaka yemotokari.…

‘muteuro weraki’ wauraya mwana

Whinsley Masara MUNYAYA yasiya miviri yevazhinji yopindwa nechando nekutya, murume wekuLupane anonzi akafa mushure mekunge anwa mvura “yemuteuro” yaakapihwa naamai vake. Thembelani Sibanda (48) wekuNdamuleni, kwaShe Mabhikwa, anonzi akapihwa mvura…

Vieira omira naWenger

PATRICK Vieira anoti haadi kutsiva Arsene Wenger kuArsenal asi gamba remaGunners iri rinotiwo rimwe remazuva rinoda kuzorairidza chikwata ichi. Wenger ari panguva yakaoma kuchikwata ichi uko kwaari kunzi abve pachigaro…

Imire yakapa vana mabhasikoro 200

Kingstone Mapupu KAMBANI inochengeta mhuka, yeImire Game Park, iyo inowanikwa kuMarondera nekuHwedza, kudunhu reMashonaland East, iri kutendwa nekuwanisa kwairi kuita vana vechikoro vanobva kure mabhasikoro senzira yekuti vakwanise kufamba zviri…

Voshanda nevechidiki kurwisa hiv

Muchaneta Chimuka SANGANO reMedicines San Frontiers (MSF) riri kushanda nebazi rezveutano rekanzuru yeHarare (City Health Department) mukusimudzira utano hwevechidiki vanorarama neutachiona hweHIV. Vamwe vechidiki vari kubatsirwa neMSF ndevemuMbare, muHarare, apo…

Vatambi mungano

Munyaradzi Gunduza MHUKA nevanhu ndizvo zvinonyanya kushandiswa navanasarungano sevatambi vemungano. Mhuka dzinoshandiswawo dzakamirira zvinhu zvinoitwa nevanhu muupenyu. Dzimwe dzemhuka dzinowanzowanikwa mungano dzinosanganisira gudo, shumba, tsuro, bere, kamba nenzou. Gudo/Dede/Bveni/Mutiro –…

×