Musaroodze vana: mp‘. . . vapei mukana wekudzidza’

Lizzy Mushoriwa
MUMIRIRI weZvimba East mudare reNational Assembly, Cde Francis Mukwangwariwa, vanoti zvakakosha kuti vanasikana vapihwe mikana yekudzidza kwete kuvaroodza vachiri ndumurwa.

Vakataura mashoko aya svondo rapera pachikoro cheNyavira Secondary School, kuNyabira, apo vakapa zvidhina 40 000 zvekuvakisa dzimba dzekudzidzira.

“Ndauya kuzogovera zvidhinha zvekuvaka izvi pano paNyavira Secondary School mushure mekunzwa chichemo chenyu chekuti hamuna pekudzidzira pakanaka. Saka zvidhinha zvandauya nazvo i40 000 uye ndezvekuvakisa kirasi yemaForm 5 ayo anotanga gore rinouya. Ndinovimba kuti kusvika gore rinouya kirasi iyi inenge yapera kuvakwa,” vanodaro.

“Hatidi kuti vana vadzidzire panze kana pasi pemuti, tinoda vapinde mumakirasi mavanodzidza vakasununguka uyewo vana vakadzidzira pakasununguka zvinovaita kuti vagone muchikoro.

“Tiri kuona vanasikana vakawanda vasingauye kuchikoro inyaya yekuti vamwe vabereki vari kuvaroodza vari vadiki. Vabereki siyai vana vadzidze, musavaroodza vachiri zvanana ndapota nekuti ndivo vachazova madhokoterera namaticha amangwana.”

Cde Mukwangwariwa vanoti vanofara zvikuru nekubatsira kuri kuita vabereki mukusimudzira chikoro ichi.

“Vabereki ndinokutendai nekubatsira kwamuri kuita chikoro chenyu, ngazvirambe zvakadaro. Tinoda kuvaka zvakare dzimba dzematicha uye Computer Lab pano kuti vana vedu vadzidze zvakanaka. Nokudaro svondo rinouya pano pachauya 150 masaga esimende uye zvidhinha izvi zvakaita mari inosvika $7 600,” vanodaro.

Mukuru weNyavira Secondary School, VaTerrence Sichori, vanofara nerubatsiro rwavakapihwa naCde Mukwangwariwa.

“Ndinofara chaizvo uye ndinopa kutenda kukuru nezvataitirwa nhasi. Zvechokwadi tanga tisina

pekudzidzira uye vana vange vave kutotiza pano. Saka tinopa kutenda kuna baba vedu vatibatsira.

“Chikoro chino chakavakwa muna 1992 asi hapana makirasi anoenderana nenguva iyoyo. Tiri kutambura kuti vana vawane pekudzidzira. Pano tine vana 387 apo 218 vakomana uye 169 vasikana. Vanasikana havasi kuuya kuchikoro asi tinovada saka tinotenda zvataitirwa nekuti gore rinouya pano panenge pava neA-Level,” vanodaro.

 

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *