‘Munhu haadyiwe zvekumhanya’

Kingstone Mapupu

NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti nyama yemunhu haingodyiwa nhando uye kana muroyi akaidya asina kupihwa mhiko nevakuru vake, anogona kuwora mazino kana kusangana nemamwe matambudziko.

Izvi zvinotevera nyaya yemurume wekwaZimunya, kwaMutare, uyo anoti mudzimai wake akadura kwaari kuti ava nemavende nekuda kwenyama dzevanhu vakafa dzaakadya. VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu reZinatha, vanoti: “Sekuziva kwedu, nyama yemunhu haingodyiwa asi kuti muroyi anofanirwa kutanga apihwa mhiko nevakuru vake. Ukangobatwa neshavi rehuroyi ukadya woga nyama iyi, unosangana nematambudziko sekudonha mazino, kuyedzerwa kana kurwara nemudumbu kana nenyaviri.”  Mashoko avo anotsinhirwa naMadzibaba Clive Masango vekuRugare, muHarare, vachiti nyama yemunhu haizi nyore kuidya. “Zvinofambirana nekuti munhu akagadzirwa here asati afa nekuti kana akagadzirwa, nyama yacho inogona kuvava kana kuita semuchetura nekudaro haikwanise kudyiwa nevaroyi. Saka hazvirambike kuti muroyi akadya nyama yemunhu akagadzirwa anogona kuwora mazino ose, ndosaka muchizoona vamwe vachinzi vafuma vari kumakuva – mufi anenge aramba kudyika,” vanodaro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *