‘Mukadzi wangu anounza zvikomba zvake pamba’

Gamuchirai Muzanenhamu
MUKADZI wekuendesa aimbova murume wake kudare redzimhosva achiti haachadi kumuona nekuti ari kumushungurudza akazoshaya pekupinda apo akafumurwa kuti anounza zvikomba pamba pemurume uyu.

Theresa Magombedza akadhonzera Cleopas Macheka kuHarare Civil Court achiti ari kumurova nekumudzinga pamba.

“Haachagara neni nevana, akaenda kushamwarikadzi yake asi anouya achindirova achiti ndibve pamba ndiende kunoroja uye ndikasabva achandiuraya,” anodaro.

Anoti Macheka ari kufurirwa nemukadzi waari kugara naye kumudzinga pamba achiti ngaashandise mari yemendenenzi yaari kupihwa.

“Imba iyi ndeyedu yewananano, iye akabuda zvake asi ava kufurirwa nemukadzi waari kugara naye kuti atidzinge pamba vapagare vari vaviri vachiti ini ndakapihwa mendenenzi saka ndava kufanirwa kushandisa mari iyoyo,” anodaro Magombedza.

Macheka anoti zvinotaurwa naMagombedza kutsvaga kuvhara nyaya yezvikomba zvake zvaari kuunza pamba pake.

“Ari kuda kuhwanda nedare achida kuti ndisamubvunze zvikomba zvake zvaari kuunza kumba kwangu,” anodaro.

Anoendera mberi achiti akaroora Magombedza aine mwana wake kare saka kumunzwisisa panyaya dzezvikomba kunonetsa.

“Ndakamuroora aine mwana wake kare saka kumunzwisa kunonetsa, ndokusaka ndakati mwana wake handidi kuti agare nemwana wangu. Ndizvo zvakamurwadza achibva aenda kumendenenzi.

“Mari yangu ndiyo yaari kudya nezvikomba zvake uye ndikamubvunza anotanga kupopota ndozopedzesera ndava kutaura zvisirizvo nekuda kwehasha,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akapa Magombedza gwaro redziviriro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×