Ndini ndinobika: Murume rovha

Gamuchirai Muzanenhamu
MURUME wekuendeswa kudare nemudzimai wake achinzi anomushaisa rugare akashamisika nedanho iri sezvo achiti anoedza nepose paanokwanisa kufadza mudiwa wake nezvakaita sekufanobika zvekudya kana mukadzi uyu asipo.

Marvis Chasi akamhan’arira Dennis Kundodyiwa kuHarare Civil Court achiti anomutuka nezvinyadzi pamberi pevana.

“Murume wangu anondituka pamberi pevana vangu nemashoko anonyadzisa, anototi ndiri pfambi pamberi pavo.

“Vana vacho vave kutotya baba vavo, anogara achingovarova,” anodaro Chasi.

Anoenderera mberi achiti Kundodyiwa ane katsika kekutengesa midziyo yemumba nekuba mari yake.

“Anotengesa midziyo yemumba kana asisina mari.

“Dzimwe nguva anoba mari zvekuti ndakatombofunga kuzvisungirira nekuda kwekushungurudzwa,” anodaro.

Kundodyiwa anoti zvimwe zviri kutaurwa nemudzimai wake ndezvechokwadi asi zvimwe zvacho manyepo.

“Zvaari kutaura zvimwe zvacho ichokwadi sekumutuka ndakamutuka kare paine zvanga zvatoitikawo asi zvekuti ndinorova vana pese pese kunyepa nekuti ndinoranga vana sezvinongoitawo anababa vese,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti Chasi ndiye ari kumutuka zvisinei nekuti anoedza nepose paanogona kumufadza.

“Ndiye anondituka asi ini ndinoedza kumufadza nekuti anotodzoka ndakabika kana achibva kubasa,” anodaro.

Anoti midziyo yaari kutengesa ndeimwe yaakatenga yakawanda mazuva aaienda kubasa achiitira kana achinge azoomerwa neupenyu.

“Midziyo yaari kuti ndinotengesa ndakaitenga mazuva andaienda kubasa ndichiitira kuti basa parinopera ndinowana chekutengesa ndichiwana mari uye handingotengese ndega, ndinomuudza tobvumirana,” anodaro Kundodyiwa.

Mutongi Manasse Musiiwa                       akapa Chasi gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *