Varoyi varutse nyama yevanhu yavakadya
MUMWE murume akanga akashatiriswa nehuwori hunonhuhwa kuti pfuu hwaiitika munguva yake. Akati awana mukana wekutaura, akaputika nehasha akaita munamato wekuti, “Hakuna here hasha kana rushambwa, hakuna here mheni iri mumatura…
‘Tengai yunifomu kwamunoda’
Tandayi Motsi ZVIKORO hazvitenderwe kumanikidza vabereki kutenga mayunifomu evana anotengeswa pachikoro sezvo iri kodzero yavo kutenga kwavanoona kwakakodzera, vanodaro Professor Paul Mavima avo vanove gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari.
Anosvipirwa mate kumeso navahosi
Gamuchirai Muzanenhamu MUDZIMAI nyachide pabarika ari kudunura mudare redzimhosva achiti vahosi vake vane katsika kekumusvipira mate kumeso vachimuti muroyi nekuda kweshanje dzekurwira murume. Melody Ndapfinye akamhan’arira Sibongile Mukahlera kuHarare Civil…
Vana 4 vorova baba naamai
Lizzy Mushoriwa BABA vanorohwa pamwe chete nemudzimai wavo nevana vavo vakazopotera kudare vachiti havachadya rinopisa.
Tsanangudzo yetsumo dzinoreva zvakafanana
Ticha Danga SEKUTSANANGUDZA kwandakaita muchikamu chakapfuura kuti gudza retsumo zienda nakuenda ndaitorevesa nekuti kuti tigoti tapedza tsanangudzo yetsumo dzese tinenge tichireva nhema.
‘Mwana wangu zimbavha remakoko’
Lizzy Mushoriwa BABA vekuti vaoneswa ndondo nekugara vachibirwa zvinhu zvinosanganisira DVD nemwanakomana wavo, vakazomukwirira kumatare edzimhosva vachiti havachadi kuti asvike pamba pavo.
Chembere yakaedzerwa kumakuva
Kingstone Mapupu naAdrian Mawurukira CHEMBERE ine makore 80 okuberekwa yekwaMangwende, kwaMurehwa – iyo iri kupumhwa huroyi — inonzi yakayedzerwa ichingomberereka, muviri wayo uzere madota nemadhaka, pamusha weimwe mhuri apo pane…
MAPOROFITA, N’ANGA NENYOKA . . . ‘Variko vanokanda nyoka mudzimba’
Kingstone Mapupu “ABATWA akamonera nyoka muchiuno!”, “Mumba mavo mawanikwa zinyoka nekamba”, “Nyoka yake ndiyo yapedza kuuraya hama”, “Ndinoitwa mukadzi nezinyoka”, “Anga aine nyoka mubhuti remota” . . .
Chitunha chakadyiwa chichiri mumba . . . Vakadzi vaviri vari kubvuma
Munyaradzi Musiiwa VAGARI vemubhuku raNdangara, kwaChireya, kuGokwe, vakasara vasina neremuromo svondo rapera apo vakadzi vaviri vanonzi vakacheka mitezo yemuviri wechitunha chemunhurume anova hama yavo panguva iyo vanhu vainge vari parufu,…
Ndakakanganisa: Madzibaba. . . kupengesa mwana wangu
Abel Ndooka MUPOROFITA wekwaMurehwa — wekumbobuda muKwayedza achiti mbiri yake ndeye hupombwe uhwo hunomuita kuti amitise kana vakadzi vevanhu, humbavha uye kuti ndiye akashandisira mwanasikana wake mhiko dzekuti arasike njere…






