Mbeu yovandudzwa
Malven Mugadzikwa NYANZVI dzekuuchika mbeu dzinoti zvakakosha kuvandudza mbeu dzakasiyana kuti dzienderane nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze nedonzvo rekusimudzira goho revarimi.
‘Tinoda $10m yemabhezari’
Tichaona Zindoga BAZI reHurumende rinoona nezvemabhezari rinoti rinoda mari inosvika $10 miriyoni yekuti rikwanise kufambisa zvirongwa zvaro zvekubatsira vadzidzi vanenge vachifunda kunze kwenyika.
Ivai vana vane hunhu: Nettleton
Malven Mugadzikwa KUGADZWA kunoitwa vana vechikoro kuti vave vatungamiriri vevamwe vavo kuburikidza nezvigaro zvakaita sekuve maprefects kwakakosha zvikuru sezvo iyi iri nzira yekuumba hunhu hwakanaka mavari pamwe negadziriro yekuti vazove…
Vonetserana ruzha rweredhiyo
Lizzy Mushoriwa VARUME vatatu avo vane mabhizimisi mumusha weMufakose, muHarare, vakamiswa mudare vachipomerwa kukonzera kusagadzikana munharaunda yavanoshandira kuburikidza nekuridza mhanzi yemaredhiyo mumabhawa avo zvine ruzha rwakanyanya.
Vayenzi vochingurwa nehangaiwa
Kingstone Mapupu N’ANGA ine mukurumbira yekuRushinga, kumuganhu wemunyika ino neMozambique, inoti kana vanhu vachisvika pamusha payo, vanotambirwa nehangaiwa vachiri chinhambwe chemakiromita maviri kana kudarika.
baba mazamu tugu!l ‘Ndiri kuyamwiwa mukaka nezvidhoma zvamadhamu
Freedom Mupanedemo ari kuGOKWE MURUME wekudunhu raMambo Njelele, kuGokwe, akazopotera kudare ramambo ava achida kuti anunurwe padambudziko rake rekumera mitumba yemazamu izvo zvaanoti zviri kukonzerwa nemudzimai wake.
Dzikisa sadza nederere
DERERE kudya kunokurudzirwa sezvo risingabikwe nemafuta ayo anogona kukonzera zvirwere zvakaita sezvemwoyo, Bp nezvimwe. Svondo rino Patricia Chambata wekuDema, kwaSeke, anotsanangura mamwe mabikirwo ederere remashizha.
Hari dzine tsvina yevanhu dzakatorwa
Muchaneta Chimuka HARI nhatu dzizere tsvina yevanhu, doro, nyama mbishi nenhekwe yefodya nebakatwa rakabairirwa muvhu, izvo zvakasiiwa nevanhu vasingazivikanwe mubhuku raChidamba, kwaMunyawiri, kuDomboshava, zvinonzi zvakazobviswa.
Chidhoma chine sutu: Vabereki vakaita dare
Muchaneta Chimuka VABEREKI vane vana vanodzidza pachikoro cheMutonda Primary School, kuDomboshava, svondo rapera vakamuka chibhebhenenga vachipomera mukuru wechikoro ichi mhosva gumi nefararira.
Nyakukecha nguruve akaripiswa mombe
Kingstone Mapupu MUKOMANA jaya wekwaMusana, wekuwanikidzwa achishinha nenguruve hadzi yemuvakidzani wake, akazobatwa, ndokumiswa mudare ramambo veko uko akaripiswa mombe nembudzi imwe chete.











