‘Dadai netsika, rurimi rwaamai’
Daphne Machiri MUNYORI wemabhuku ari kusimukira uye zvakare nyanduri, Luckson Chezhira Chikutu-Makandire, anoti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvidade nerurimi rwaamai pamwe netsika nemagariro evanhu vatema.
Pika nenyora pachiNdau
TINAYO pano ngoma yekanyi, yarira yekanyi, ngairire yakaringire mberi neMberengwa. Chabhenda chabhenda, kanyi akuna maninji.
Ambuya ‘ginya’ kumukuwasha
Lizzy Mushoriwa MUKUWASHA wekuoneswa moto naambuya vake, avo vaanoti vanomutukirira pamwe nekurima kumunda kwake zveginya, akazopotera kudare redzimhosva achiti zvanyanya.
Vavakidzani vaburana
Gamuchirai Muzanenhamu CHIREVO chinoti shanje rudo chinozadziswa nemumwe mudzimai uyo akaendesa muvakidzani wake kudare achiti ane fungidziro yekuti ari kudanana nemurume wake.
Murungu akaguswa nevaroyi◆ ‘Hakuna zvakadaro, manyepo’
Kingstone Mapupu MURUNGU wepapurazi reArgosy iro riri kwaMambo Svosve, kuMarondera, anonzi akafuma akaguswa vhudzi rake rekusikarudzi pamwe chete neremumusoro munyaya yasiya vagari veuku vachingozevezana kuitaura.
Rondedzero chimbori chii?
Ticha Danga ZVIROKWAZVO gavi rinobva kumasvuuriro. Izvi zvinoreva kuti kuita kwevana kunobva kuvakuru vavo. Zvakadarowo kuita kwevana vechikoro kunobvawo kuvadzidzisi vavo nezviverengwa zvavanosangana nazvo mukudzidza kwavo.
Maporofita enyu maActor, maDoctor, maTractor
naIgnatius Mabasa KUITA kwaMwari kunondimenya kunge bhanana. Nyasha dzaMwari dzinonditsvaira kunge chivanze chine marara. Rudo rwavo rwuchindisakurira kunge munda wanga wararira nesora.
‘Wakapihwa huroyi natezvara vako’
Lizzy Mushoriwa MUMWE mukadzi akaendesa muvakidzani wake kudare redzimhosva achiti anomunanga kuti muroyi uye huroyi hwacho akahupihwa natezvara vake.
Orohwa nemukadzi natezvara
Gamuchirai Muzanenhamu MURUME wekuti anogara achida kudashurwa kurohwa neaimbove mudzimai wake achibatsirana nehanzvadzi dzake akazopotera kudare redzimhosva.
Madingindira mumutambo
Munyaradzi Gunduza HUKAMA: Hukama hunoburitswa sechinhu chinosunganidza vanhu veropa rimwe chete. Kudhonzerana kwese nematambudziko ari kuwira vanhu mumutambo uyu kuri kukonzerwa nekukosha kwehukama. Cindy anenge achivenga hama dzemurume kunyanya VaHaruna…



