Mbeu yovandudzwa

Malven Mugadzikwa
NYANZVI dzekuuchika mbeu dzinoti zvakakosha kuvandudza mbeu dzakasiyana kuti dzienderane nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze nedonzvo rekusimudzira goho revarimi.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nemakambani akasiyana anouchika mbeu nguva pfupi yadarika muguta reHarare. Musangano uyu – uyo waive wakananga kupangana mazano munyaya dzekuuchika mbeu – wakapindwawo nanamazvikokota kubva kumayunivhesiti akasiyana-siyana emuZimbabwe pamwe nevekunze kwenyika.

Vachitaura pagungano iri, Senior Group Research Consultant kukambani yeSeed Co, Dr Ephraim Havazvidi, vanoti vari kutarisira kuuchika mbeu dzinopa goho rakanaka kumatunhu ose emuZimbabwe nekuzopambira kune dzimwe nyika dzemuAfrica.

Dr Ephraim Havazvidi

“Basa redu guru kuuchika mbeu dzinoenderana nenzvimbo yadzinofanirwa kurimwa. Izvi tinozviona kupfurikidza nekuita tsvagurudzo dzine hudzamu. Tine chivimbo chekuti gungano rakaita serino rinotibatsira kuti tiite muonerapamwe tichiongorora tsvagurudzo dzakamboitwa kare nepanoda kugadziridzwa kuti tikwanise kuuchika mbeu dzemhando yepamusoro-soro. Tine chivimbo chekuti tiuchike mbeu dzinoita kurima zvichienderana nenzvimbo ipi zvayo muno munyika,” vanodaro.

“Tsvagurudzo dzedu dziri kutambanuka tichienda kune dzimwe nyika nekuti kambani yedu yeSeed Co yatekeshera kunyika dzakati kuti muno muAfrica. MuAfrica mese Zimbabwe ndiyo iri pachidanho chekutanga munyaya yekuuchika mbeu dzemhando yepamusoro dzechibage,” vanodaro Dr Havazvidi.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaIvan Craig vanove mukuru anoona nezvekutengesa (director sales and marketing) kukambani yeAgriSeeds vanotsinhira mashoko aya vachiti kuuchika mbeu kunofanira kusvika chero kumbeu diki.

“Musangano waitwa uyu wakakosha zvakanyanya nekuti mukana watapihwa wekudzidza zvakawanda nekuona panoda kugadziriswa. Nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze aya, mbesa dzedu dzinofanira kuuchikwa zvinofambirana nenguva uye nemanairo emvura. Mvura yamazuvano iri kunaya zvisinganyatsogutsi uye iri kusanduka manairo ayo sezvaimboitika kare. Ichi chiratidzo chekuti varimi vanodawo mbeu dzinokasira kuibva,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kune dzimwewo mbeu diki dzinoda kuuchikwa kuti dzienderane nemamiriro ekunze, mbeu idzi dzinosanganisira nyemba, mhunga, nzungu nezvimwe. Varimi vanofanirawo kutora kurima sebhizinesi uye kuti varime zvekuchengetedza chikafu chinoita kuti vasapererwa nezvekudya.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *