Havakwati magaba kunge mhembwe
MUTUNGAMIRI wenyika Cde Emmerson Mnangagwa, vachave ndivo nhengo inomiririra bato riri kutonga reZanu-PF musarudzo dzichaitwa pakati pegore, vakatoratidza vamwe vachada kukwikwidza kuti havakwati magaba kunge mhembwe inoti ikaridzirwa yotiza.
Mwana akaenda nechamupupuri. . . zvachose!
Kingstone Mapupu Mwana wekuBeatrice ane makore matatu okuberekwa ari kunzi ava nenguva inosvika mwedzi asiri kuwanikwa mushure mekunge atorwa nemhepo yechamupupuri ndokubva angoendwa naye — zvachose. Vabereki vemwana uyu nevamwe…
Chidhoma chine sutu pachikoro
Muchaneta Chimuka Yakava batai-batai pachikoro cheMutonda Primary School chiri kuDomboshava svondo rapera apo vamwe vana vanonzi vakaona chidhoma chakanyatsoti zete kugara mumuti wepachikoro ichi.
‘Tinosvina hura hwechitunha’
Chkwata cheMalawi Gule Dance chakaita zvinorova nguva pfupi yadarika apo chakatandadza vanhu pamusangano weZimbabwe National Practioner’s Council Annual General Meeting uyo wakaitirwa muHarare chikaita zvidavado pakutamba zvimwe zvinoenderana netsika yeChinamwari.
Akabhinywa nemuramu
Kingstone Mapupu Mwanasikana anove chirema wekuMukumbura, kuMt Darwin, uyo asingataure kana kunzwa anonzi akabatwa chibharo ndokupihwa pamuviri nababamukuru, murume wavatete vake.
‘Akatorwa nenjuzu kana nevaroyi’
Kingstone Mapupu Nyanzvi dzezvechivanhu dzinoti mwana wekunzi akatakurwa nechamupupuri achitamba nevamwe papurazi reRosyline Pattison, kuBeatrice, haana kufa asi kuti mupenyu uye anogona kunge akatorwa nenjuzu kana kuti nevaroyi kuburikidza nemasaramusi.
Otambudzwa negomarara remumusoro
Muchaneta Chimuka Mwanakomana wekuHatcliffe, muHarare, ari kutsvaga rubatsiro rwe$2 500 yekuti anovhiiwa gomarara remumusoro iro rave nemakore gumi richimutambudza.
‘Unondizora njovhera’
Gamuchirai Muzanenhamu Chirevo chinoti nyadzi dzinokunda rufu chinozadzikiswa nenyaya yemurume akaendesa mudzimai wake kudare redzimhosva achiti ari kumutambudza iye ndokuzofumurwa achinzi ndiye anogara achitapurira mukadzi uyu zvirwere zvepabonde. Edison Ringwa…
MAONERO EDU: Imiwe, cholera inouraya zvedi
Chirwere checholera chanyuka zvakare munyika muno. Kusvika pari zvino cholera yatora upenyu hwevanhu vana kuChegutu izvo zvaita kuti Hurumende itore matanho akasimba ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.
Hurumende yovandudza madiridziro
Tandayi Motsi Hurumende iri mushishi kuvandudza zvirongwa zvemadiridziro munyika yose nechinangwa chekuti varimi vawane mvura yekushandisa inokwanirana zvichitevera kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze apo dzimwe nguva mvura isiri kunaya zvakaringana.









