Potraz yoparadzira ruzivo rwekombiyuta
Malven Mugadzikwa Postal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe (Potraz) inoti yakazvipira kuti vagari vekumaruwa vawane mukana wekushandisa dandemutande mukutsvaga ruzivo rwakasiyana pamwe nekufambisa mashoko kuburikidza nemakombiyuta.
Vasikana vakatsvunha
Muchaneta Chimuka Vanasikana vakanyora bvunzo dzeA-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rapera vakapasa nechikamu che89,6% kudarika vanakomana avo vakapasa nechikamu che84,7%.
Mabikirwo echimikuyu chine dovi
Chimukuyu chenyama yemombe chinofarirwa nevazhinji uye chinopa utano. Munzvimbo zhinji dzisina magetsi sekumaruwa, vanhu vanogona kuomesa kana kusasika nyama yemombe nyoro kuti iite chimukuyu vachizoichengetedza nyore uye kwenguva refu.
Nhabvu izere nechitsotsi: Pasuwa
Abel Ndooka Aimbove murairidzi weDynamos FC nemaWarriors, Kalisto Pasuwa, anoti bhora remuAfrica rizere nekubirira ndosaka zvimwe zvikwata zvisingakwanise kusvika kure mumutambo uyu.
Muroora wangu anoda kundidhaya – Tezvara
Gamuchirai Muzanenhamu Tezvara vakapotera kudare vachiti vaoneswa nhamo nemuroora wavo uyo wavanoti anogara achida kuvarova. Gabriel Denhere akaudza dare reHarare Civil Court kuti muroora wake, Staylley Chininga, anomutyisidzira nguva nenguva…
Mutengo weropa waderera muzvipatara
Muchaneta Chimuka Sangano reNational Blood Services Zimbabwe (NBSZ) rakadzikisa mutengo weropa zvichitevera kupindira kwakaita Hurumende mukutsigira nemari izvo zvave kuita kuti sangano iri rirerukirwe mukufambisa mabasa aro.
‘Unoda kutiza mimba yako’
Lizzy Mushoriwa Mukomana wekuzama kunzvenga nyaya yenhumbu yaakapa musikana wake nekuenda kudare redzimhosva achikumbira gwaro rerunyararo akashaya pekupinda apo chikumbiro chake chakaraswa.
Kwayedza yakarwiswa ‘nevakuru vehondo’
Muchaneta Chimuka Yakava batai-batai neMuvhuro wadarika pachikoro cheRusununguko Primary School, kuEpworth, muHarare, apo vamwe vabereki vakamuka chibhebhenenge vachida kurwisa vatori venhau veKwayedza vainge vanotora nhau dzekuratidzira kwaiitwa pachikoro ichi.
‘Zvakaoma sei, vana kuchikoro’
Abel Ndooka Vabereki vokurudzirwa kushingairira kudzidzisa vana vavo nedonzvo rekuti vagozove neremangwana rakanaka sezvo dzidzo iri iyo nhaka yeupenyu.
Zvirimwa zvoparara nezuva: zcfu
Muchaneta Chimuka Sangano rinomirira varimi reZimbabwe Commercial Farmer’s Union (ZCFU) rinoti mumatunhu akawanda enyika varimi havachisina tariro yekuwana goho rakanaka zvichitevera kupisa kwakanyanya kwezuva uye kusanaya kwemvura izvo zvave kukonzera…











