Bhora pasi: Shaya . . . nhabvu haidi humbimbindoga’

Abel Ndooka — SHASHA yakambonetsa munhabvu – George Shaya – anoti nhabvu mutambo wechikwata chose uye vatambi vanofanira kusiyana nehumbimbindoga munhandare kana vachida kusvika kure.

Vozvivakira kiriniki kuRushinga

Kingstone Mapupu — VAGARI vekuNyatsato, kwaMakuni, kuRushinga, vava kuzvivakira kiriniki zvichitevera nzendo refu dzavari kufamba pari zvino kana voda kurapwa.

Fall armyworm yorwiswa

Muchaneta Chimuka — NYANZVI dzezvekurima mudunhu reSouthern African Development Community (Sadc) dzoita mushandirapamwe wekurwisa makonye efall armyworm ayo ari kuparadza zvirimwa zvikuru munyika dzakasiyana.

Kugocha nyama yedhadha

NYAMA yedhadha kana kuti dhakisi mudya ndakasungwa uye ine mapuroteni ayo anokosha kuutano hwemhuri. Nyama yedhakisi inoda kuomeswa kuti inyatsonaka. Svondo rino VaChrispen Harudzibwi vekwaRusape vanotsanangudza mamwe

Opindira amai varere … ‘Ichokwadi, ndine marambadoro’

Gamuchirai Muzanenhamu — MWANAKOMANA wekuti kana adhakwa anotanga kuita mhirizhonga naamai vake opinda mumba mavanorara achivadzingirira husiku izvo zvinoita kuti vazorara kuvavakidzani anoti izvi zvinokonzerwa nemarambadoro.

Orova mukadzi akamusunga

Gamuchirai Muzanenhamu — MURUME wekuroora mudzimai anoshanda kubazi reCentral Intelligence Organisation (CIO) anoti ava kuzvidemba achiti ari kushandisa basa rake kugara achimusungisa nekumutyisidzira apo vanenge vanetsana mumba mavo. Zvisinei, mukadzi…

‘Vana ngavadzidze pachena’

Muchaneta Chimuka — MASANGANO anomiririra kodzero dzevana akanyora gwaro (petition) kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari achikumbira kuti vana vose vawaniswe kodzero yedzidzo pachena, zvikuru avo vanobva kumhuri dzinotambura.

Varimi vochemera mbeu yedonje

Kingstone Mapupu — VARIMI vekudunhu raMambo Chiswiti kuMt Darwin, kuMashonaland Central vari kuchema-chema zvikuru nekushaya kwavari kuita mbeu yedonje izvo vanoti zvadzosera shure mabasa ekurima.

chembere (61) yoita grade 6

…  ‘Ndinoda kuenda kubhodhingi’ … ‘Ndozoshanda basa segweta’ Kingstone Mapupu — CHIREVO chinoti dzidzo haina zera chiri kuzadziswa neimwe chembere yekwaChivero ine makore 61 okuberekwa iyo yange ichiita Grade 6…

‘Shandisai mbeu yakauchikwa’

Muchaneta Chimuka — CHAMANGWIZA wekambani huru pakuuchika mbeu munyika muno, yeSeed Co Zimbabwe, VaDenias Zaranyika, vanoti zvakakosha kuti varimi vashandise mbeu dzakauchikwa, zvikuru dzembesa diki sezviyo nemapfunde.

×