‘Ifa iwe, hauna basa!’

Lizzy Mushoriwa VAMWE samusha vakachema-chema mudare re- dzimhosva vachiti mudzimai wavo anogara achivataurira kuti kunyangwe vakafa, haana basa nazvo sezvo vasiri chizvarwa chemuZimbabwe.

Dzidzo mberi, zvimwe shure

Ticha Danga KUMIRIRA kwatanga takaita kuya kwasvika kwamvura yacheka makumbo. Goho redu rakabuda zvekuti mumasvondo maviri apfuura takanga tisingadi kutaura pamusoro pezvakabuda mubvunzo tichityira kukwidza manera vaya vakabuda zvakanaka uye…

tsumo nengano namukanya

Mhinduro yesvondo rapera: Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka: Mushure mekushaikwa kwemwana waMhembwe, zvakazobuda pachena kuti akanga abatwa akadyiwa nemuvakidzani wavo ainzi Gava. Hapana aive ambofungira kuti Gava angadaro nekuti ndiye…

Kugocha nyama yehuku

NYAMA yehuku haingokaringwa bedzi mupoto asi apo neapo inogona kuitwa zvekugochwa kuitira kuti idyiwe isina mafuta akawanda.

Hodhi, tisvikewo 2018, ndini hwindi

naIgnatius Mabasa ISHUVIRO yangu kuti wakaita Kirisimasi isina masaisai ekudhakwa kana masasi akawanda. Ndinovimbawo kuti hauna kuitiswa nevanhu vandakanzwa vachitaura kuti vaida kukudhakisa sedhakisi rafira mumvura.

Tuku chibaba: Mahachi

Abel Ndooka — MUIMBI wemusambo wechitendero – Tatenda Mahachi – anoti akadzidza zvakawanda zvikuru kusanganisira kuzvininipisa nekutsungirira kubva kuna Oliver Mtukudzi apo vakashanda vese pakambo kake kanonzi “Ndisiye Satan”.

‘zvidhoma hazvidi neni’

… ‘Zvinondiita mukadzi wazvo’ … ‘Varume vochifa, kunditiza’ Kingstone Mapupu — MUDZIMAI anogara kwaKandeya, kuMt Darwin, anoti aoneswa nhamo nekuitwa mukadzi nezvivanhu zvinomubvakachira kumba kwake husiku kana masikati.

Mota Pajero iri kutaura

Muchaneta Chimuka — YAKAVE batai-batai nemusi weMuvhuro svondo rino mumusha weHopley, muHarare, apo veruzhinji vakapitipidzana kunoona motokari yerudzi rweMitsubishi Pajero iyo inonzi yaitaura pamwe nekudzemura mbama kuvanhu vose vaiedza kuibata.

‘nyama yemunhu no. 1 . . . kunyanya yekumagadziko’

Kingstone Mapupu — CHEMBERE yekwaNembire, kuCentenary, mudunhu reMuzarabani iri kubuda pachena kuti muroyi wemakoko, yauraya vanhu vakawanda ichidya nyama yavo – kunyanya yekumagadziko iyo yainoti inonaka kudarika zvimwe zvinhu zvose…

Hatidi tsaona Kirisimasi ino

NGUVA iya yezororo reKirisimasi iyo inofarirwa nevazhinji yasvika. Vashandi vakawanda vanofarira nguva iyi nekuti ndipo pavanowana mukana wakareba wekuzorora. Kune vamwe vashandi zvakare vanobva vabatanidza zororo iri kusvika pagoredzva

×