Votsvukisirana maziso mudare

Gamuchirai Muzanenhamu —
MADZIMAI maviri akatsvukisirana maziso mudare redzimhosva apo mumwe aipomerwa kufurira murume pamwe nekupindira munyaya dzinenge dziri pakati pemurume uyu nemukadzi waakarambana naye.

Miriro Mushayavanhu akamhan’arira Melody Mhishi kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare nekupindira munyaya dzisiri dzake.

“Mukadzi uyu anodanana neaimbova murume wangu, zvino ava kuzviita iye semuridzi wemba yangu zvekuti ava kutoisa maroja uye anopindira munyaya dzangu nemurume kana tava kutaura zvekugovana midziyo sezvo takarambana,” anodaro Mushayavanhu.

Anoti Mhishi ndiye akaita kuti arambane nemurume nekuti akanga ave kudanana naye.

“Ndiye akaita kuti ndirambane nemurume wangu, ndokusaka ari kuzvipa simba rekuuya kumba kwangu achiita kunge ndiye muridzi wemba,” anodaro Mushayavanhu.

Achipawo divi rake, Mhishi anoti haapindire munyaya dzaMushayavanhu neaimbove murume wake.

“Handipindiri munyaya dzavo ini uye kumba kwake handiende, handitokuzive. Ndiri kutoshamisika nezvaari kutaura.

‘‘Imba yaari kutaura nezvayo iri kuDomboshava imba yemurume, haisi yake.

“Mururme ndiye anenge anditi nditsvage munhu anochengeta asingabhadhare mari nekuti handisi kugara ipapo uye murume haagareko. Takatomirira kuti midziyo igovewe,” anodaro Mhishi.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaMushayavanhu ndokuti anofanira kuenda kumatare anoona nezvekugovewa kwemidziyo yevanhu vanenge varambana.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×