Zim-Asset ngaive ndiyo jakwara

VARI kumaruwa, kana vanoshanya kumaruwa, yasvika nguva yemajakwara, nguva yemukombe wehwomusungwa kana hwematanda. Vasingadi zvokuraradza vanoita zvemahewu. Vanenge vachidya namambo.

Otongerwa kupumha muvakidzani huroyi

Muchaneta Chimuka — CHEMBERE yekuChitungwiza yakamiswa mudare redzimhosva reko ichipomerwa mhosva yekunanga muvakidzani wayo huroyi ichiti akadya vanasikana vayo vaviri, uye pari zvino ave kuda kudyazve iye.

Kuda hondo kwaKuda

Munyaradzi Gunduza — MHENENGURO yekudyidzana kwemusoro webhuku nerungano: Musoro webhuku iri unotsigirwa nevatambi vakasiyana-siyana. Kuda kufarira chinhu. Muhondo zvinhu kana zviitiko zvaiwanikwa munguva yehondo yeChimurenga. Kupinda kunoita Kuda muhondo yeChimurenga…

Vopura mari neruninga kuGokwe

Kingstone Mapupu — CHIRIMWA chitsva cheruninga icho chinonzi hachidi zvakawanda pakurima uye chinopa mari zhinji kana chikatengeswa chokurumbira kumatunhu akasiyana munyika ayo anosanganisira kuGokwe.

Kubika zvikanganwahama

KANA nyama yezvikanganwahama zvehuku ikabikwa zvakanaka, mutakunanzva chaiwo uye haina mafuta akawanda ayo anokonzera zvirwere zvakaita sezvemwoyo.

Vatambi vambishi: Stix

. . . vanoda kunyatsobikwa zvakakwana Abel Ndooka — STANFORD ‘Stix’ Mutizwa murairidzi weBlack Rhinos FC anoti pane musiyano mukuru pakati pechikwata chaanacho parizvino nechaakatambira mugore ra1984 icho chakahwina mukombe…

Kombi iri kuti ‘ndaneta’

Kingstone Mapupu — MBAVHA nhanhatu idzo dzaida kugujunura mapatsi ekombi iri pedyo nerimwe garaji mumugwagwa weHarare-Bulawayo pedyo nemusha weKuwadzana Extension dzinonzi dzakazorova bara dzotiza mushure mekunge dzarohwa zvakaomarara

Akaremara apuruzirwa nevaroyi

Kingstone Mapupu — MUDZIMAI wemuguta reHarare anonzi akwanisa makore 31 achingogara mumba bedzi uye asingabude kunze, izvo zvinonzi zvakatanga apo akapuruzirwa nekubatwa-batwa muviri wake nevanofungidzirwa kuti varoyi.

Simudzirai jazz: Piyo Matosie

Abel Ndooka — VAIMBI veJazz vokurudzirwa kubatana mukusimidzura musambo uyu kuburikidza nekuita mashoo uye nekutsikisa mhanzi pamwe chete.

Kohwa pakuru nedrip irrigation

Buhle Nkomo — KETIE Chapata (43), uyo anove murimi wekumapurazi madiki neari pakati nepakati kuOdzi, kudunhu reManicaland anotaridza mufaro mukuru mushure mekunge aisirwa madiridziro edrip irrigation nemusi weChishanu chadarika.

×