Otongerwa kupumha muvakidzani huroyi

Muchaneta Chimuka —
CHEMBERE yekuChitungwiza yakamiswa mudare redzimhosva reko ichipomerwa mhosva yekunanga muvakidzani wayo huroyi ichiti akadya vanasikana vayo vaviri, uye pari zvino ave kuda kudyazve iye.

Mutongi weChitungwiza Magistrate’s Courts, Yeukai Chigodora, akati Eustina Muswe (72) wepanhamba 18190 Unit L adzoke kudare apo kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

Muchuchisi Farai Katonha akaudza dare kuti nomusi wa7 Kubvumbi gore rino munguva yehusiku, mumhan’ari Eunice Kadango (57) wepanhamba 18191 Unit L akange ari pamba pake apo Muswe aive pamba pakewo achifamba-famba pachivanze.

Muswe anonzi akabva atanga kutukirira Kadango achimuti muroyi uye akadya vana vake vaviri vanova vakashaya makore adarika nokudaro akange ave kuda kumudya iye. Muswe anonzi akati kuna Kadango, “Uri muroyi, wakadya vanasikana vangu iko zvino wave kuda kudya ini.”

Muswe ari kurambisisa mhosva yaari kupomerwa yekupumha munhu huroyi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×