Muzvinabhizimisi omera mazizamu
Kingstone Mapupu — MUZVINABHIZIMISI wemumusha weHopley, muHarare, anoti akangofuma amera mazamu sezvinonzi munhukadzi mushure mekurota achiyamwiwa nezvimhuka.
Wilshere otaura nezveArsenal
JACK Wilshere anoti haasi kufunga pamusoro pezviri kuitika kuna Arsene Wenger kana kuArsenal uye akazivisa zvimwe zvikwata kuti pachapera mwaka uno anogona kutengeka.
Hart oroverwa mbambo
TORINO inoda kutenga mubati wepagedhi weEngland – Joe Hart – zvachose pachapera hurukuro idzo dzichaona mutambi uyu ari kuchikwata ichi nechikwereti.
‘Pedzai rusarura kuvatori venhau’
Muchaneta Chimuka — VARI mubasa rezvenhau vari kukurudzirwa kutora matanho ekuenzanisa mikana pakati pevanhurume nevanhukadzi uye kuona kuti vose vakachengetedzeka pavanenge vachiita basa ravo.
Kurova shumba nembama
naIgnatius Mabasa — BELINGTON Nyamadzawo wekuMvurwi akatema Mambo Makope nedemo nekuti vakanga vamutsiura kuti asateme muti. Kutema mambo nedemo? Maihwe, uku ndiko kunonzi kurova shumba nembama! Kupinda muPolice Station uchiputa…
Mai Mujuru: Vakafa havana chavakaona
VEDUWE-E, mari muenzi anogogodza nhasi, mangwana opfuura. Mukwende anoyambira zvakare nokuti vamwe vedu vari kuita mapete awira mumukaka nokuda kwemari yavachena, kunge vasina simba rokuzvishandira.
‘Makore 13 ndichirara nenyoka’
Walter Mswazie — KUPINDA mumagumbeze nenyoka zvinhu zvinotyisa zvikuru! Asi iyi ndiyo tsekwende yakatarisana nemusikana abve zera wekwaGutu, kuMasvingo, uyo ave kutotya kuvhara maziso ake nekuda kwenyoka yaanoti inoshinha naye…
Zvinofungwa pamusoro pewanano
Rumbidzai Tawonezvi-Moyo — SANGANO reZimbabwe Women Lawyers Association (Zwla) riri kusvitsa makore 25 ravambwa gore rino uye kubvira makore adarika, riri kubatsira vanhu zvikuru pamusoro penyaya dzemitemo neruzivo rwakadzama.
Akarova muzukuru nechitofu chaibvira
Tafadzwa Mutsotso — BONGOZOZO pakati pasekuru nemudzimai wavo rinonzi rakavaparira zvichitevera kupisa kwavakaita muzukuru wavo nechitofu cheparafini chaibvira apo akabatanidzirwa zvikaita kuti akuvare zvakanyanya.
Mari yehuori
Munyaradzi Gunduza — 11. SARUDZA vananyanduri vana vari muna Mutakunanzva Wenhetembo vanonyora nezvedingindira rehuori. Zvino chitsanangura zvinotaurwa maererano nehuori mudetembo rega rega rawasarudza. [25]





