Mutsunga une dovi

MURIWO wetsunga une dovi unonaka zvikuru uye unonzi unopa utano kumhuri pamwe nekudzivirira zvimwe zvirwere zvinokonzerwa nekudya nyama ine mafuta akawanda.

prophet opofomadza vanhu

Achinamata akavatsika padumbu Kingstone Mapupu — KUIMWE chechi iri mumusha weGlen Norah C, muHarare, kuri kuitika zvinogara zvakadaro.

Handivhunduke: Manyuchi

. . . ndakazviita kare, ndichazvidzokorora  Abel Ndooka — SHASHA yetsiva yepasi rose – Charles Manyuchi – anoti hapana chichamutadzisa kuchengetedza bhande rake apo achasangana naQudratillo Abduqaxorov chizvarwa chekuUzbekistan kuSingapore…

Pairesi yandirozva: Kumene

Abel Ndooka — MUIMBI weSungura — Lucky Kumene — ari kuchema-chema zvikuru pamusoro pekutengeswa kwedambarefu rake rechipiri, Vape Moyo, iro raakaburitsa gore radarika pamusika wemukoto achiti zviri kumudzosera kumashure zvakanyanya.

3 000 vodzokera kuchikoro

Muchaneta Chimuka — VANHUKADZI nevanhurume vanodarika 3 000 vave kubatsirika kuburikidza nekudzidziswa mabhindauko emabasa emawoko akasiyana pakoreji yakazvimirira yeTamiranashe Women’s College iri kuNorton.

Ngwarirai matsotsi: zrp

Muchaneta Chimuka — VARIMI vokurudzirwa kuti vangwarire makoronyera pamwe nematsotsi zvichitevera kuvhurwa kwemwaka wekutengeswa kwefodya svondo rino nemusi weChitatu.

tscz yonanga kumaruwa

. . . ichidzidzisa nzira dzekudzivirira tsaona Muchaneta Chimuka — SANGANO reTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ) — richishanda pamwe chete nebazi rinoona nezvekufambisa nekusimudzirwa kwezvivakwa — svondo rapera vakaparura…

Pakumitisa pwere Mash Central iNo. 1

Muchaneta Chimuka — HURUMENDE inoti iri kushushikana zvikuru nekuwanda kwenyaya dzevana vari kubata pamuviri vasati vabva zera nekuda kwezvikonzero zvakasiyana izvo zvinosanganisira hurombo uye dunhu reMashonaland Central ndiro riri pamusoro

Zimwana yotsigira maparalympics

Daphne Machiri — SANGANO rakazvimirira reZimwana World Wide rosimudzira mutambo wevakaremara mitezo kuburikidza nekukotsvera makwikwi emaNational Paralympics Games egore rino nemari inosvika $110 000.

Dzokororo ine simba: Bellew

TONY Bellew acharwa zvakare gore rino zvichitevera kukunda kwaakaita David Haye, sekutaura kwapuromota wake – Eddie Hearn.

×