Mari yehuori

Munyaradzi Gunduza — 11. SARUDZA vananyanduri vana vari muna Mutakunanzva Wenhetembo vanonyora nezvedingindira rehuori. Zvino chitsanangura zvinotaurwa maererano nehuori mudetembo rega rega rawasarudza. [25]

Orambidza mudzimai kushanda

Tafadzwa Mutsotso — SHANJE dzinopfuta semoto dzinonzi dzakonzera mumwe murume kurambidza mudzimai wake kushanda achimuti anozoita chipfambi zvisinei nekuti iye anonzi ari kukundikana kuchengeta mhuri yavo zvakakwana.

Tinotenda Sadza newua: Mathuthu

Abel Ndooka — MUTEVEDZERI wegurukota rezvekufambiswa kwemashoko nenhepfenyuro, Cde Thokozile Mathuthu, vanorumbidza Professor Hope Cynthia Sadza nekusimudzira kwavari kuita dzidzo yevanhukadzi kuburikidza nekuvamba kwavakaita

‘Rusarura kuvanhu vakaremara bodo’

Muchaneta Chimuka — MUNYORI mukuru anoona nezvenyaya dzevanhu vakaremara mitezo mubato riri kutonga reZANU-PF, Cde Joshua Malinga, vanoti vari kushushikana nerusarura rwuri kusangana nevakaremara mumabasa, mune zvedzidzo nekuenzaniswa kwemikana.

Akazvisungirira zuva rafa sekuru

Tafadzwa Mutsotso — MUZUKURU anonzi akapona neburi retsono apo akada kuzviuraya nekuzvisungirira zuva rakafa sekuru vake asi ndokuzoponeswa naamai vake avo vakamutakanura.

Mazita nezviito

Ticha Danga — VANHU vakare vakanga vasiri marema, asi kuti vairatidza hutsanzi hwavo nenzira dzakasiyana. Imwe yenzira dzavaishandisa kunemera vanhu mazita kubudikidza nemabasa avaibata kana tsika dzavo.

Hakusi kuroyiwa: Dr Moyo

Munyori weKwayedza — MUKURU wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obediah Moyo, vanoti matambudziko ekukura kwemazamu kuvanhurume anowanikwa uye izvi hazvina chekuita nekuroyiwa.

Vanhukadzi, vanhurume murungano

Munyaradzi Gunduza — MABURITSIRWO evanhukadzi nevanhurume munyaya: VANHUKADZI:

Malaria: Zim yakagadzirira

Charity Ruzvidzo — ZIMBABWE yagadzirira kurwisa kupararira kwemalaria iyo inowanzonyuka munguva yekunaya kwemvura, mukuru anoona nezvekurwisa kwechirwere ichi (national malaria control programme director) Dr Joseph Mberikunashe, vanodaro.

Baba vanobhinya mwana chirema

Kingstone Mapupu — VATORI venhau veKwayedza vakasara vasina neremuromo svondo rapera apo murume wemuHarare, akabuda pachena — asina kana ganda kumeso — kuti ari kubata chibharo mwanasikana wake akaremara mitezo…

×