hatidi kurohwa: vana

— ‘Tinoda kutsiurwa bedzi’ — ‘Isu takakura tichirohwa’ Muchaneta Chimuka — VANA, vabereki nemamwe masangano anomiririra varairidzi muzvikoro vari kutambira zvakasiyana mutongo wakaturwa nedare reHigh Court wekuti vana havachatenderwa kurohwa zvachose, kungave…

kurembera zvava zvinhu pa‘town’

—‘Kusiri kufa ndekupi?’ — ‘Inhamo inotidariso’ — Tiri kuvasunga: Zrp Muchaneta Chimuka — “MAHWINDI vanongoita zvose-zvose zvavada. Ndivo mutemo pachavo nekuti havana zvavanoitwa.”

mambo akadzikwa demo

— Takatosunga munhu wacho: zrpl Takatosunga munhu wacho: ZRP Daphne Machiri — MAMBO Makope, VaJacob Mapirinjanja, vekuMvurwi, kuMashonaland Central, vakapona nepaburi retsono nemusi weChishanu svondo rapera apo vanonzi vakatemwa nedemo nechekumusana…

ndapedza dzinza: madzibaba

— ‘Mwedzi waZvita kunotofiwa’ — ‘Ndini ndava kufanirwa kufa Malven Mugadzikwa — “ZVANGU zvekuti uku ndiri muporofita, uku ndiri n’anga handichada. Ndati handichada hangu, nekuti zvandipedzera dzinza rangu!”

Mune mukana: Mhofu

. . . Chidzambwa otaura pamusoro peCaps, Ngezi Platinum Abel Ndooka SHASHA yakambonetsa ichitamba nhabvu ndokuzoita mukurumbira ichirairidza mutambo uyu – Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa – anoti CAPS UNITED neNgezi Platinum…

$500 weti yemukadzi ane mimba

Sukoluhle Ndhlovu PANE mukadzi akaigochera pautsi apo akarikitwa kurohwa nechaunga chevanhu kuGokwe mushure mekunge akumbira mumwe mudzimai ane mimba kuti anoda kutenga weti yake ne$500.

Chitunha chemuvhimi mudumbu regarwe

Kingstone Mapupu — MURUME muvhimi wekumapurazi ekuBeatrice akauraiwa negarwe, mutumbi wake ndokudyiwa apo airedza hove uye garwe iri rakazopfurwa mudumbu maro mukaburitswa matumbu nedzimwe nhengo dzemuviri wemushakabvu.

Nyama yemombe ine muto

SVONDO rino Mai Rosyline Mandebvu vekuBudiriro 5, muHarare, vanotsanangura mamwe mabikirwo enyama yemombe ine muto.

Chikomba bara ‘chimoko’ chasanduka

Kingstone Mapupu — MURUME wekuWaterfalls, muHarare, anonzi akazorova bara achitiza apo akaedza kusasana nemukadzi wemunhu asi ndokungoona hapana, hapana — mudiwa wake amera ruware.

MAONERO EDU: Mahwindi vava mutemo here?

VERUZHINJI vagara vachinyunyuta nekuda kwehunhu hunoitwa nemamwe mahwindi kunzvimbo dzinokwirirwa mabhazi nemakombi.

×