Bhinzi dzine pundutso: Zcfu

Kingstone Mapupu — VARIMI vane minda ine zvirimwa zvakanyudzwa nekuwanda kwemvura vokurudzirwa kuti vashandise hunyoro hwevhu kurima bhinzi senzira yekupedza nzara mudzimba dzavo uyewo nekuti vazviwanire mari.

‘murume wangu anosanduka kuita zinyoka’

‘. . . tiri pamubhedha’ Kingstone Mapupu — KWASEKE kune mudzimai ari kuti murume wake anopota achimbosanduka kuita zinyoka dema-dema zvimwe chetezvo netsvimbo yake yekumasowe, ukuwo mbiya yevhu ichipinduka kuita…

Dzvi achidyara heji paguva remutorwa

— ‘Mweya wake wandishupa’ Muchaneta Chimuka — MURUME harahwa weparimwe purazi riri kuKadoma — wekuoneswa moto nemweya wemushakabvu uyo waaishandira pamusha pake — anonzi akazonodyara miti yeheji paguva remutorwa uyu…

Goiliat naGoliat dhuma!

Abel Ndooka — ZVIKWATA zvinoti Dynamos neCAPS UNITED hapana chikuru kana chidiki asi kuti zvose zvakaenzana uye pose pazvinosangana panotsva demo pagosara mupinyu.

‘Mhemberero dzine musiyano’

Tandayi Motsi — ANOTUNGAMIRIRA vechidiki mubato riri kutonga reZANU-PF (National Secretary for Youth Affairs), Cde Kudzanai Chipanga, vanoti gadziriro dzemhemberero dzebhavhadhe rezuva rekuberekwa kwemutungamiriri wenyika President Mugabe, dzave padanho repamusoro…

‘New Curriculum inoda mari’

Muchaneta Chimuka — GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti chirongwa chekudzidziswa kwegwaro idzva redzidzo, cheNew Curriculum, chakatarisana nematambudziko ekushomeka kwemari sezvo pari zvino paine $2,3 miriyoni kana zvichienzaniswa…

Zim ichakwikwidza paScience Festival

Daphne Machiri — ZVIKORO zvakasiyana zvepuraimari nesekondari zvemuZimbabwe zvichakwikwidzana nezvedzimwe nyika munguva pfupi inotevera mumakwikwi ezvigadzirwa zvesainzi, eThe African Science Buskers Festival, ayo achaitirwa muno.

Ivhu harisi revauyi: President

Tandayi Motsi — MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mugabe, vanoti vanofara zvikuru kuti pari zvino chikamu chevhu chakakura chave mumawoko evanhu vatema uye harife rakadzokera zvakare kuvauyi.

Glen View 2 Primary yopfuya hove

Malven Mugadzikwa — CHIKORO cheGlen View 2 Primary, muHarare chokurumbira mukusimudzira zvidzidzo zvemabasa emawoko zvinosanganisira kupfuya hove nezvimwe zvipfuyo zvakasiyana.

‘Mwanangu siya chikoro uroorwe’

Tafadzwa Mutsotso — MURUME anopinda chechi yeJohanne Masowe ari kupomerwa kurambidza mwanasikana wake kuenda kuchikoro achiti anofanira kuroorwa.

×