Zim ichakwikwidza paScience Festival

Daphne Machiri —
ZVIKORO zvakasiyana zvepuraimari nesekondari zvemuZimbabwe zvichakwikwidzana nezvedzimwe nyika munguva pfupi inotevera mumakwikwi ezvigadzirwa zvesainzi, eThe African Science Buskers Festival, ayo achaitirwa muno.

Makwikwi aya achaitwa musi wa3 Kurume kumuzinda wemahofisi emumiririri wenyika yeAustralia muguta reHarare.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Science Fair, iro riri kuona nezvemakwikwi aya, Knowledge Chikundi, anoti gadziriro dzave padanho repamusoro.

“The African Science Buskers Festival makwikwi ezvikoro zvesekondari nezvepuraimari kubva kunyika dzakasiyana. Donzvo redu ndere kusimudzira zvidzidzo neruzivo rwesainzi,” anodaro Chikundi.

Chikundi anoti chinangwa chavo zvakare kufambirana nechirongwa cheHurumende chekuvandudza zvidzidzo zvinoenderana nekusimudzirwa kweupfumi hwenyika cheScience, Technology, Engineering neMathematics (STEM).

Dzimwe nyika dzichapinda mumakwikwi aya dzinosanganisira South Africa, Zambia, Kenya neBotswana.

Mumakwikwi aya, Zimbabwe ichamirirwa nevana vanobva kuzvikoro zvinoti St John’s College (Harare), Maranatha Junior School (Harare), Queen Elizabeth High School (Harare), St Antony’s High School (Masvingo) neWatershed College (Marondera).

Zvimwe zvikoro zvichange zvichimirira Zimbabwe iIrene Christian College (Harare), Trojan Mine Primary School (Bindura) neZRP High School (Harare).

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×