Vakarova ‘small-house’ nechamboko chewaya
Trymore Muvhawa— PANE mukadzi akarikitwa nechamboko chewaya nemumwe mudzimai uyo aibatsirwa nevana vake apo vaimupomera mhosva yekuvatorera baba vemusha.
‘Shandirai budiriro yeZim’
VADZIDZI vanenge vapedza fundo munyika muno vanofanira kushandisa ruzivo rwavo mukuvandudza budiriro yeupfumi hweZimbabwe.
Mubairo wekuruta
NHOMBA yekuda nyama yakaparira murume wekupurazi reGilstone Farm, kuBeatrice, uyo akabatwa nemhosva nedare yekuuraya nguruve yemusangano kana kuti njiri inokosha US$3 000 ndokutongerwa kubvisa faindi uye kukundikana kwake anonopika jeri.
Une muromo wenyoka
TINOTENDA Mwari vanodonhedza nyoka kubva muBhaibheri muchechi kwaMuroyi. Nyoka imhandu yedu kubva kare, uye vanonyatsoverenga Shoko raMwari vanoziva kuti nyoka ndiyo yakashandiswa semuromo nesvikiro rekutanga naSatani paakaenda kuna Evha akanomunyengedza.
Chenjera njodzi
naOscar Gwiriri Uchipesana nedzimwe, vatyairi vachipesana newe;Unenge uchikwenya, gumbo kumafuta;
Tinochema naVaMuluzi
. . . mwanasikana akarohwa nemheni TIRI mumwaka wokunaya, mwaka unofadza nokuti kuuya kwemvura kunotaura maguta neupenyu. Asi pane mimwe mikwende inoperekedzana nomwaka uyu inoshaisa mufaro, ichiunza misodzi nokushungurudzika. Kana mvura…
O-LEVEL — KEREKE INOFA :Zvidzidzo zvirimo
Munyaradzi Gunduza— 7. Nyora zvidzidzo zvisere zveupenyu zvawakawana mumutambo Kereke Inofa uchitsigira nezvinoitika mumutambo uyu. [25] Chidzidzo chekutanga chandakawana muna Kereke Inofa ndechekuti rina manyanga hariputirwe mumushunje. Izvi zvinojekeswa naPastor…
Kutokonya pfungwa
Ticha Danga— BVUNZO rakauya tikarinyora rikapfuura. Zvatakakohwa tava kuzviziva. Chatamirira kuwana nzvimbo muzvikoro zvepamusoro zvatinoda kuburikidza nekukohwa kwatakaita.
Shavi rekuroya tugu pamuyenzi
Kingstone Mapupu — MUKADZI wechidiki akange apihwa pekurara neimwe mhuri yekuHopley Zone 6, muHarare, mushure mekunge adokerwa nezuva asati asvika kwaaienda anonzi akazobatwa neshave rekuroya pakati pehusiku ndokukumura mbatya dzose…
‘MWANA HAASI WEMURUME WAKO UYU, INHEMA HERE?
‘. . . ichokwadi, ndewe chikomba’ ‘. . . chaindiunzira girosari nemari’




