Vana 100 nevakadzi 10 . . . Vanobika 50kg yehupfu pazuva . . . ‘Handisi kumira, ndoda vamwe’

IMBOFUNGA kaupenyu aka. Murume ane madzimai 10 nevana vanodarika 100. Vangadai vachidarika apa asi vamwe vakashaya. Hapana nguva yaungasvika pamusha pake ukashaya mukadzi ane mimba kana mwana ndumurwa.

BABA VANOTOTESA MAGUMBEZE . . . Odzingwa nemukadzi pamubhedha

Tafadzwa Mutsotso MURUME wekuti ari kuoneswa ndondo nemudzimai wake uyo waanoti anomudzinga pamubhedha achiti arare pasi achinzi anozowetera mumagumbeze uye kugara achida kubaiwa nepfumo akazopotera kudare redzimhosva.

Hatidi zvidhakwa: Tsipa . . . zvinokanganisa nhabvu

MUTAMBI weCAPS United, Leonard Tsipa – uyo akahwina mubairo weGolden boot mwaka uno uye ndokuve 1st Runners-up waSoccer Star of the Year – okurudzira vamwe vatambi kuti vasiyane netsika yekutora…

Mufundisi akadonha nyoka muchechi . . . ‘Haisi yangu, yakaita zvekuiswa nevavengi’

MHOMHO yevanhu vaive pakati pekunamata muchechi yeReformed Church in Zimbabwe (RCZ) iri pachikoro cheMuroyi Primary School, kwaNhema, kuZaka, vakaita baramhanya vachitiza muchechi umu mushure mekunge muvhangeri aive pakati pekuparidza adonhedza…

Zim yakatenga chibage

MUTUNGAMIRI wenyika President Mugabe vanoti kusvika pari zvino Zimbabwe yatenga matani echibage 300 000 kubva kunze kwenyika nedonzvo rekuti muZimbabwe muve nechikafu chinokwanirana.

Mwana (11) ava neDiploma

Trymore Muvhawa KAKOMANA kane makore 11 okuberekwa kakadadisa apo kakapedza zvidzidzo zveDiploma in Theological Studies ndokukunda vamwe vose vakaidzidza navo pakoreji yeAfrican Multinational for Christ College (AMFICC) iyo iri pasi…

MAONERO EDU: Mwanasikana wazodadisa

BUDIRIRO yevanasikana mubvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rino inofadza zvikuru sezvo ichiratidza kusimudzirwa kuri kuitwa dzidzo yavo.

SHONA YAKAPASWA . . . Vasikana vakakunda vakomana – Zimsec

KANZURU yeZimbabwe School Examinations Council inoti gore rino vasikana vakapasa nechikamu che5% kudarika vakomana uye chidzidzo cheShona chakapaswa pabvunzo dzeZimsec dzeGrade 7.

Iye munhu ngaafare: Mare

MUIMBI wemusambo weAfro-Pop neJazz Cynthia Mare anoti kunyangwe zvazvo vatsigiri vake vachimuziva nekutsikisa nziyo dzinosuwisa munhu anoda zvemafaro zvikuru.

Africaid yorwisa HIV

SANGANO reAfricaid, kuburikidza nechirongwa cheZvandiri, riri kuita mabasa ekurwisa kupararira kweutachiona hweHIV kune vechidiki nekuvafundisa nzira dzekudzivirira kutapurirwa hosha iyi uye kuti vanovhenekwa nekukasika.

×