Mwana akanyikwa mumafuta aikwata

Trymore Muvhawa— MURUME wekuendeswa kudare neaimbova mudzimai wake achida mvumo yekugara nevana vavo akatsika madziro achiti izvi hazvaiite sezvo mukadzi uyu akambonyika ruwoko rwemwana wavo mudiki mumafuta aaibikisa machipisi izvo…

‘Ndaisaziva kuti ndiyo cancer’

MUDZIMAI wekuWaterfalls, muHarare, ari kutsvaga rubatsiro rwemari inodarika $5 000 yekuti arapwe gomarara repazamu iro ramutambudza kwenguva refu.

Pfambi dzopfeka magemenzi

Mapupu akakecha ‘mupositori’ VAKADZI vanoita mabasa echipfambi mudhorobha reChiredzi vave kukwezva varume nekufamba husiku vakapfeka magemenzi kana dzimwewo yunifomu dzekumachechi zvinoita kuti vamwe varume vadyire vachifunga kuti vanamati vanenge vachibva…

Vasimudzwa nemagetsi endove

Vakatenga motokari shanu nemombe ‘Tinongoitawo setigere mudhorobha’ KUSHANDISA ndove yemombe mukugadzira magetsi kwavandudza upenyu hwevamwe vagari vekumaruwa zvikuru izvo zvaita kuti vasadembe upenyu hwevaya vanogara kumaguta.

Gomarara ravashungurudza

‘Ndamirira kufa hangu’ MUDZIMAI wechidiki wekwaNyashanu, kuBuhera, ayaura negomarara repazamu iro rapararira nemuhapwa, zamu zvekusvika pakuda kutodambuka zvichiita kuti agare akavharirwa mumba nemurume wake nekuda kwekushaya zano rekuita.

Aya makunakuna: Charumbira

MUKURU wekanzuru yemadzimambo nemadzishe munyika, Mambo Fortune Charumbira, vanoti zviri kuitwa naVaShepherd Gemu nemuroora wavo Machipisa makunakuna anotyisa.

‘Kwayedza ine chekuita nekupaswa kweShona’

MUKURU wedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vari kutenda bepanhau reKwayedza nekusimudzira kwariri kuita zvidzidzo zveShona muzvikoro izvo zviri kuona vana vachibudirira pabvunzo.

Harare ichavhara mvura

KANZURU yeguta reHarare iri kuzivisa veruzhinji kuti muzinda mukuru unochenesa mvura, weMorton Jaffray Water Treatment Plant, uchange wakavharwa kubva nemusi weChishanu 16 Zvita kutanga nenguva dza10 husiku kusvika 18 Zvita…

Mainini nzeve kwachu

Tafadzwa Mutsotso— BOTSO repabarika rakasvika pakuti mukadzi nyachide adamburwe nzeve navahosi apo vairwira murume. Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court mushure mekunge mudzimai akangozivikanwa saMurewerwi akamhan’arira nyachide wake, Talent Chada, achimupomera…

‘Vanhukadzi zivai kodzero dzenyu’

ZVAKAKOSHA kuti vanhukadzi vave neruzivo ruzere pamusoro pekodzero dzavo sezvo vamwe vari kumbunyikidzwa nenzira dzakasiyana nekuda kwekusaziva.

×