Zvimbokoma zvobaka pataundi

VATAMBI vetsiva vemuno vemumapoka akasiyana vari kufara zvikuru kuwaniswa mukana wekurwa apo shasha yeWorld Boxing Council, Charles Manyuchi, acharwira kuchengetedza bhande rake paachasangana

EcoCash yobatana neMukuru

 Zvava nyore kuvanhu vari kunze kutumira mari muZimbabwe VAGARI nevashandi vari kuSouth Africa vave kukwanisa kutumira mari zviri nyore dzichipinda mumaEcoCash ehama neshamwari dzavo dziri muZimbabwe ipapo-ipapo.

‘Mukadzi wangu chidhakwa’

‘Anopedzera mari yose mudoro’ ‘Nekutsvagira mwana zvikomba’ Tafadzwa Mutsotso VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akanzi nemurume wake anoita basa rekutsvagira mwanasikana wavo ane makore 16 okuberekwa zvikomba zvekuti…

Varoyi vekurwira nyama: N’anga dzapindira

NYAYA yakabuda muKwayedza svondo rapera, yechembere yekuZhombe, kuMidlands, iyo iri kureurura kuti iyo inhengo yechikwata chevaroyi uye kuti yakazotyorwa gumbo apo vairwira nyama yemwana nechimwewo

Kufunga kusara waunyana

NDAKAMBOTAURA nezvevanhu vanofunga zvekuti vanopedzisira vapfungaira hutsi nekuda kwekufunga. Asi kana vafunga zvekusvika vapwa sechidzivamudingwi, hapana hove dzinowanikwa mumadhaka epfungwa dzavo,

Chitungwiza: guta risinganwiwe mvura

Mwedzi miviri pombi dzakaoma l Painouya inenge yakasangana nesuweji l ‘Kanzuru iri kutibira mari dzedu’ DAMBUDZIKO rekushaikwa kwemvura radzika midzi muChitungwiza izvo zvotuma vagari veko kuti vapedzisire vave kushandisa mvura…

Kune varwere vemanyoka: Dr Moyo

CHAMANGWIZA weChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vanoti kune vanhu vakawanda vari kuenda vachinorapwa zvirwere zvemanyoka kuchipatara chavo uye izvi zvinogona kunge zviri kukonzerwa

Baker’s Inn yovandudza mashandiro

KAMBANI inobika chingwa nezvimwe zvinosanganisira makeke, yeBaker’s Inn, iri kuvandudza mashandiro ayo senzira yekuti igutse veruzhinji panguva iyo iri kubika marofu echingwa anosvika 500 000 pazuva.

Kurima kwematsutso kwosimudzirwa

SANGANO reFood and Agriculture Organisation (FAO), kuburikidza neboka reUnited States Agency for International Development (USAID), rosimudzira mabasa ekurima mumwaka wematsutso kumatunhu

Akasvetuka mudhuri

Tafadzwa Mutsotso MURUME wekunzi akasvetuka jurahoro repamba panogara aimbove mudzimai wake pakati pehusiku ndokugwejenura gonhi pamwe nekumurwisa akamiswa mudare redzimhosva. Tatenda Mbofana akamhan’arira