NetOne yosimbaradza masai-sai kuChiweshe
KAMBANI inoona nezvenhare, yeNetOne, iri kuenderera mberi nekuvandudza mabasa ayo nechinangwa chekuti veruzhinji vakwanise kufambisa mashoko zviri nyore. Svondo rapera NetOne yakavhura chimwe
Otsvaga rubatsiro rwekuvaka imba
MUKADZI wekuDomboshava uyo anorarama nehupofu, ari kutsvaga rubatsiro rwekuti avakirwe imba yake zvichitevera kuyamurwa kwaakaitwa neHurumende kuburukidza nekupihwa sitendi pachena.
ZB Bank yava kutsigira mabasa ezvicherwa
BANGA reZB Bank svondo rapera rakabatana nekambani yeFidelity Printers and Refiners mukuparura chirongwa cheFidelity Gold Card kuKadoma icho chichawanisa makadhi achashandiswa nevari mumabhizimisi
Akatsondokota kudya $700 yebhizimisi
Tafadzwa Mutsotso MURUME wekunzi akapihwa $700 nehama dzemudzimai wake yekuti vatange bhizimusi asi iye ndokuitsondokota kuidya yose ava kuzvidemba zvichitevera kuendeswa kwaakaitwa kudare redzimhosva
Tsvina yevanhu, moto zvamira
DAMBUDZIKO remoto waingopisa zvinhu mudzimba netsvina yevanhu yaingoonekwa yakaita gatakata mumba nepachivanze paimwe imba iri kuKuwadzana Phase 3, muHarare, rinonzi rakambomira.
Vakadzi vaviri vane makuhwa
CHITSAUKO 1 – (Ongororo): Sezvambotaurwa mupfupikiso yenyaya yacho, Mai Mashumba naMai Zipfende vanoda kuita sevanonatsira munhu wose, izvo zvinonzi, “Madzimai maviri aya akanga ava hunyu kwese, setsukukuviri inoti ikarohwa rimwe
‘Ndiwe wakadya amai vangu’
Tafadzwa Mutsotso MUMWE mukadzi akadunura mudare redzimhosva achiti ashaiswa rugare nemuvakidzani wake uyo anomupomera kuti muroyi, ipfambi pamwe nekutuma vana kuti vaitire tsvina pachivanze chake.
Gadziriro yebvunzo
Ticha Danga MUSI weChipiri, Gumiguru 4 2016 umwe neumwe achamira nezvake muimba yebvunzo.Kana wakagadzirira hauna hanya nekuchema kana kubatikana nekuti unenge uchitodaidzira kuti chero gudo ngaauye.
Ofurufushwa nemukadzi waakaramba
Tafadzwa Mutsotso SAMUSHA vekuoneswa ndondo nemukadzi wavakarambana naye vakapotera kudare vachida kupihwa mvumo yekuti arege kuuya kumba kwavari kugara nemudzimai mutsva.
Ndakaberekwa ndakadaro
BVUNZA KWAYEDZA NASEKURU MUTANGA MUBVUNZO: Sekuru, ndiri munhu ane makore 20 ekuzvarwa, handisati ndaroorwa kana kuroora. Chido chekuroorwa kana kuroora ndave nacho. Dambudziko rangu sekuru nderekuti ndine sikarudzi mbiri, yechikadzi…

