kurodza pfungwa

Munyaradzi  Gunduza MUSEVE USINGAPOTSE Zvekuita: 1. Tsanangura hondo shanu dzinorwiwa muna Museve Usingapotse nezvikonzero zvadzo. 2. Ndezvipi zvinhu zvisere zviri muna Museve Usingapotse zvinoratidza kuti pasichigare makomo aikosha zvikuru? [25][25]

Hatina zvekuita, dhamu rakapwa: Makunde

MUNYORI mukuru wekanzuru yeChitungwiza (town clerk), VaGeorge Makunde, vanotsinhira nezvedambudziko rekushaikwa kwemvura muguta ravo vachiti riri kukonzerwa nekuoma kwakaita dhamu

‘Wanai mvura nyore neMoneyMaker’

VARIMI nevamwe veruzhinji vokurudzirwa kushandisa michina yemadiridziro yeMoneyMaker Manual Irrigation Pumps iyo inoita kuti vawane mvura yekushandisa mumabasa akasiyana zviri nyore sezvo isingade simba remagetsi asi rechitsoka-tsoka chete.

Hatina kana sendi: Zifa

‘. . . tiri kutopemha mari yekuAfcon’ SANGANO rinotungamirira nhabvu munyika muno reZimbabwe Football Association (Zifa) rinoti harina kana kobiri mudura maro apo zvikwata zvenhabvu zviviri zvemaWarriors nemaMighty Warriors zvakatarisana…

Kurima chibage muzhizha neSeed Co

Philip Matombo KURIMA nderimwe remabhizimisi riri kupa pundutso kumhuri dzakawanda munyika yeZimbabwe. Chikafu chinonyanya kudyiwa munyika yedu (staple food) isadza, kunyanya rechibage.

Nakirwa nenyama yeguru

Zviri Mugapu  KANA nyama yeguru ikabikwa nemazvo, vanhu vanoita sevachazviruma minwe nekunakirwa. Svondo rino VaStanley Maroto vekuZengeza 4, kuChitungwiza, vanodonongodza pamusoro pemabikirwo enyama yeguru remombe ane

Varoyi vakarwira nyama

. . . mumwe akatyorwa gumbo CHEMBERE yekwaMambo Gwesela, kuZhombe, mudunhu reMidlands, iri kureurura kuti haichada zvekuroya ichiti iyo nechikwata chevamwe vayo vakauraya vanhu 20 vachidya nyama yacho uye nguva…

‘Koshesai nhau dzehiv neaids’

MASANGANO enhau anokurudzirwa kuti akoshese kuburitsa nyaya dzine chekuita nekurwisa kupararira kweutachiona hweHIV nedenda reAIDS uye nenzira inoita kuti pasave nerusarura kune avo vari kurarama nedenda iri.

Mumwezve mubairo weKwayedza

Ibepa rakanaka muzvikoro: Shumba KECHIPIRI mukati menguva inokwana mwedzi, bepanhau reKwayedza raremekedzwa zvakare nekupihwa mubairo nebazi rezvedzidzo.

Makuwerere kudopiro reChibuku

KUCHANGE kuri kumakuwerere svondo rino nemusi weMugovera paGlamis Arena muguta reHarare uko zvikwata 10 zvemagitare zvekumapurovhinzi akasiyana zvichakwikwidza mumakwikwi eChibuku Road to Fame Finals.