Hatina zvekuita, dhamu rakapwa: Makunde

MUNYORI mukuru wekanzuru yeChitungwiza (town clerk), VaGeorge Makunde, vanotsinhira nezvedambudziko rekushaikwa kwemvura muguta ravo vachiti riri kukonzerwa nekuoma kwakaita dhamu ravanowana mvura, rePrince Edward Dam.

“Ichokwadi, mvura hakuna kuno kuChitungwiza nekuti dhamu rePrince Edward, iro raitiwanisa mvura, rakatooma kuti gwa-a. Saka tiri kutozama kuti tinge tichibatana nemamwe masangano uye makambani angade kutitsigira mukuvaka dhamu redu kuti tipedze dambudziko iri zvachose.

“Tinoda zvakare vatsigiri vanotibatsira mukuchera zvibhorani kuti vanhu vabatsirikane nekuti mvura yanetsa zvikuru muno,” vanodaro VaMakunde.

Vanoti vane vatsigiri vavakawana avo vari kuda kuvabatsira nemari inosvika US$231 miriyoni yekuvaka dhamu idzva reMuda, pedyo nekuMahusekwa, chinova chinhambwe chemakiromita makumi mana kubva muChitungwiza.

“Vatsigiri varipo uye takatoendesa mazita avo kuHurumende. Kana tichinge bedzi tapihwa mvumo, dhamu rinobva ratangisa kuvakwa gore rino risati rapera.

“Takasainirana chibvumirano nemakambani matatu ekuChina neimwe inonzi Sessani kuti tiite basa iri. Kuvakwa kwedhanu iri kuchabatsira veruzhinji kuti vawane mvura.

“Dhamu iri richawanisa vagari veChitungwiza mvura yakawanda zvekusvika mamega litres 75 pachinzvimbo che30 mega litres dzinodiwa muno,” vanodaro VaMakunde.

Director weChitungwiza Residents Trust (Chirest), VaMarvelous Khumalo, vanoti vagari vemuguta iri vaomerwa zvikuru nekuda kwedambudziko remvura.

“Tiri kuda kuti basa rekuvakwa kwedhamu riitwe nekukasika kuti vanhu vawane mvura nekuti kunonoka kuvakwa kwaro kana kutsvaga dzimwe nzira dzingaite kuti vanhu vawane mvura nechimbi-chimbi kunogona kuzoona vazhinji vachirasikirwa neupenyu nekuda kwezvirwere zvemanyoka,” vanodaro.

Vanoti Chitungwiza inowaniswa mvura nekanzuru yeHarare nokudaro kana Harare ichinge iine dambudziko remvura, zvinoreva kuti Chitungwiza inenge iri pamberi pakutambura.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *