B&P yosimudzira tsika nemagariro

CHIKORO cheB&P Study Centre, icho chiri kwaSeke, chinoti chakazvipira kusimudzira zvidzidzo zvetsika nemagariro uye budiriro munyaya dzezvivakwa, izvo zviri kufambirana nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika.

Mitambo ye P S L yatsvuka ropa

ZVIKWATA zvenhabvu zvitatu zvinoti FC Platinum, CAPS United neHighlanders FC svondo rino zvine makomo makuru ekukwira apo zvicharwira kuti zvirambe zviri murwendo rwekutora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League.

Mari yekurwisa aids netb

HOFISI inomirira nyika yeCanada muZimbabwe yakubatana nesangano reJoint United Nations Programme nemamwe mapoka mukuzvekurwisa hutachiona hweHIV nedenda reAIDS.

Chembere kufira huku?

CHEMBERE yekwaSikero, kwaMusana, inonzi yakasvika pakunwa muchetura ndokufa mushure mekunetsana nemuvakidzani pamusoro pehuku.

‘Vaimbi vandudzai mabasa enyu’

SANGANO reNational Arts Council of Zimbabwe rinoti zvakakosha kuti vaimbi vavandudze mabasa avo nekuita mamwe mabhindauko anovapa raramo zvichitevera kutekeshera kuri kuita nyaya yekutengeswa kwemimhanzi yavo zvisiri pamutemo pamusika wemukoto.

Zim yakadadisa kuS A

MUTAMBI wekarate muboka re65 kgs, Tinotenda Mudhokwani, svondo radarika akahwapura menduru yesirivha kozoti Ian Gengezha akahwina yebhuronzi muboka re75 kgs mumutambo we1st All Africa Shinkyokushinkai Karate Championship 2016 uyo wakaitirwa…

Zengeza 8 Primary: Shasha pakudzidzisa

Vakatora mubairo kuScience Fair CHIKORO cheZengeza 8 Primary School, kuChitungwiza, chiri kusimukira zvikuru munyaya dzedzidzo, kunyanya yevana matsi nembeveve, izvo zvakaona chichitora mubairo kumakwikwi ezviratidzwa zveScience Fair emuHarare nguva yadarika.

Mbavha dzakapfura mushandi

MBAVHA dzaiva nepfuti dzakapfura dzikauraya mushandi wechikadzi wepachimwe chitoro kuMhondoro uye muzukuru wake, uyo akaedza kumununura, akapfurwawo zvekusara akuvara zvakanyanya.

2017 mombe ngadzive nemichiso

Zvinoderedza kubiwa kwezvipfuyo: zrp  ‘Zvichibatsirawo pakudzivirira zvirwere’ MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kukurudzira varimi kuti vachise mombe dzavo senzira yekuti vazokwanisa kudzironda kana dzichinge dzabiwa, kurasika uye senzira inobatsira…

Anorova mwana negogo

MUKADZI anoshanda semurairidzi akamiswa mudare redzimhosva reChitungwiza Magistrates’ Courts nemhosva yekushungurudza mwanasikana wake ane makore 15 ekuberekwa uyo waanorova nezvombo zvakasiyana uye kumunyima zvekudya.