Okanda amai shoko rerudo
‘Mumwe musi akapotsa anditsvoda’ Tafadzwa Mutsotso MWANAKOMANA wekushaya hunhu zvekusvika pakuchiva amai vake, achivabata-bata kuti vashinhe naye, akazoguma aendeswa kumatare edzimhosva.
Shamwarikadzi yababa yonetsa nemendenenzi
Amager Mufema VANHU vaive mudare vakakahadzika apo mumwe musikana akati shamwarikadzi yababa vake iri kumunetsa ichiti anofanira kubhadhara mari yemendenenzi sezvo baba vake vasiri kuzivikanwa kwavari.
Harare Poly yogadzira mafuta ekuzora
Daphne Machiri KOREJI yeHarare Polytechnic yava kugadzira mafuta anobatsira vanhu vanorarama nehusope ayo anotanda zuva achiita kuti ganda ravo risakanganisike.
Vakabudirira vanozvifambisa sei?
UROMBO huroyi! Hapana munhu anohuda. Tikabvunza wese munhu anoshaya, kana kuti anonzi murombo, tinonzwa achitaura kuti shungu anadzo dzokubudirira, asi anoshaya kuti ozvifambisa sei. Nedzimwe dzenguva, zvinopedzisira zvasvitsa vanhu muruchiva,…
Chii chiri kuitika kwandiri?
BVUNZA KWAYEDZA NASEKURU MUTANGA MUBVUNZO: MHINDURO:Sekuru, ini ndatambura nekurota ndichishinha mumachira nemurume, angava manheru kana masikati. Zvadaro, kana kutengesa unoita kunge uri kutengesa nyoka. Ndaneta nekuchinja machechi. Ndinofunga kuti kuzviuraya…
Midziyo yose hutu na‘madam’
Tafadzwa Mutsotso SAMUSHA vekuti vakatorerwa midziyo yose nemukadzi wavo ndokuenda nayo kumusha kwake vakachema-chema mudare vachiti vanoda kuti adzore midziyo iyi sezvo vasina pekutangira.
‘Ndofira kutakura mimba here?’
Tafadzwa Mutsotso MUMWE mudzimai akachema-chema mudare achiti murume wake ari kumuregerera panyaya yekuchengeta mhuri yavo sezvinonzi pamuviri pakaita kuti azobereka vana ava pakange “pamera poga”.
Anoita mukadzi wekuruma
Amager Mufema SAMUSHA vekupomerwa kushungurudza mudzimai wake, kusanganisira kumuruma kana zvamubata, akazomiswa mudare redzimhosva.
Chikwereti choda kumunyn’udza mujeri
Tafadzwa Mutsotso MURUME wekutadza kutevedza mutongo wakapihwa nedare wekuti adzorere $240 yemuridzi iyo yaakakwereteswa atarisana nekunodya refovhoro kwemwedzi mitatu kana akasabhadhara chikwereti ichi.
Madungwe, wakagadzirira here?
IMBWA HAIHUKURE SADZA PROPHET Madungwe vari kushatirisa vanhu nenyaya yekuti vakaona Mwari, uye Mwari vachazoshanyira nyika yeZimbabwe musi wa20 October. Ini ndinoda Mwari, asi panguva imwe chete ndinotya Mwari. Ndinoda…


