Mwana anosvitsa amai kutsime

Amager Mufema AMAI vekushungurudzwa nemwanakomana wavo uyo anoshaya hunhu zvekugara achivatuka nekuvaparadzira midziyo yavo yemumba, vakapotera kudare redzimhosva vachiti zvavanyanyira.

Alexandra Park Sch: 100% dzidzo…Vana zvikwapuro muchikoro…Mibairo vanoita yekukumba

CHIKORO cheAlexandra Park School, icho chiri muHarare, chizere neshasha munyaya dzedzidzo izvo zvakaona chichihwapura mubairo mukuru pamaProvincial Merit Awards akaitwa nguva pfupi yadarika.

A-LEVEL — Masimba…Sara anoviruka nehasha

“Akasiyiwa asina kufungira” naS Makamanzi (143-145) NYAYA YACHO (Enderero mberi):

Kwete zvibaba nezvimhamha

CHANDINODIRA Mwari ndechekuti havana musi wavakamboti, “Vana vangu mawandisa, handichakwanisa kuda vamwe vana pamusoro pevandiinavo.” Kudiwa naMwari kunobatidza magetsi ako zvekuti rima rinotiza semuroyi

Muzvinabhizimisi Tasa hari izere Ropa yapunzwa

Aiisa mifananidzo yehama muhari MURUME wemuHarare anonzi akafa zvisina tsarukano mushure mekunge hari yake yainge izere neropa, iyo yaishungurudza mhuri, yakapunzwa. Izvi zvakaitika nguva pfupi yadarika zvichitevera kupunzwa kwehari yaive neava…

Chinembiri Primary: Muriga dzose

l Vana vepo vanotsvuna chikoro l Varairidzi vachirwawo nekwavo CHIKORO cheChinembiri Primary School, chekuChitungwiza, chiri pamberi munyaya dzedzidzo izvo zvaona chichitora chinzvimbo chekutanga mumakwikwi equizz mudunhu reHarare yose munguva yadarika.

Musatidherere: Mlauzi

. . . vonosimudza mureza weZim kuBrazil MURAIRIDZI wemaMighty Warriors, Shadreck Mlauzi, anoti zvimwe zvikwata ngazvirege kuvatarisira pasi apo vari kunokwikwidza kumitambo yeRio 2016 Olympic Games Soccer kuBrazil sezvo vari…

Vabereki vovandudza kiriniki kuMudzi

VAGARI vekwaMambo Goronga, kuMudzi, mudunhu reMashonaland East, vari kurumbidzwa nekuzvipira kwavo mukusimudzira nyaya dzeutano kuburikidza nekuvandudza makiriniki.

Kuridzira mubhawa kunoita: Ollah Juru

MUIMBI wenziyo dzechitendero, Bishop Samuel Ollah Juru, anoti hapana chakaipa kana vaimbi vemusambo uyu vakaridzira mumabhawa sezvo vanenge vachiita basa raMwari rekutendeutsa vanhu.

‘Vaimbi ngatibatanei’

SHASHA yemusambo wechitendero, Reverend  Togarepi Chivaviro, anoti zvakosha kuti vaimbi vabatane, zvikuru mukusimudzira avo vanenge vachiri kutanga. Anoti ari kuita mashoo nevaimbi vari kusimukira kuti vakwanise kubuditsa zvipo zvavo.