Kuridzira mubhawa kunoita: Ollah Juru

Bishop Ollah Juru
Bishop Ollah Juru

MUIMBI wenziyo dzechitendero, Bishop Samuel Ollah Juru, anoti hapana chakaipa kana vaimbi vemusambo uyu vakaridzira mumabhawa sezvo vanenge vachiita basa raMwari rekutendeutsa vanhu.Kazhinji muimbi wechitendero kana akaridzira mubhawa zvinogona kukonzeresa mitauro yakawanda sezvo vamwe vanoona sezvisina kukodzera vachiti uku kunenge kuri kurasika nekuti inzvimbo inowanikwa zvidhakwa.

Asi Bishop Ollah Juru, uyo achangobva mukubura dambarefu rake idzva rinonzi Girl Child rinorwisa kumbunyikidzwa kwevanasikana, anoti hapana chakaipa chaanoona kana vaimbi vechitendero vakanoridzira mumabhawa.

“Iyi inyaya yagara iine mutauro kwenguva refu asi ini handina chandioona chakashata, vaimbi vechitendero tisu tinofanirwa kutoridzira munzvimbo idzi dzisina kururama kuti tibvise vanhu varimo vaende kukereke.

“Ndikangoridza kukereke chete hazvina zvazvinobatsira nekuti ndingatendeutse sei vanhu vakatendeuka kare? Tinofanirwa kutendeutsa avo vari munzvimbo dzisina kururama kuti vauye kuchechi,” anodaro Bishop Ollah Juru.

Zvakadaro, Bishop Ollah Juru anoti dambarefu rake idzva iri rizere nenziyo dzinokurudzira kusimudzirwa kwevanasikana.

“Vanasikana vedu vari kumbunyikidzwa zvisingaite uye zvinopisa tsitsi, dzimwe dzenguva nevanhu vekuziva izvo zvinorwadza.

“Ini ndakazviona zvakakodzera kuti ndimboimba nezvazvo ndiparidze shoko rinoramba kudzvinyirirwa kwevasikana. Ndivanamai vedu vemangwana, ngativasimudzire nepose patinogona,” anodaro Bishop Ollah Juru.

Bishop Ollah Juru akaita mukurumbira nenziyo dzinosanganisira Emmanuel iyo akaimba naAlick Macheso kozoti Nevanje yaakaimbawo naSoul Jah Love.

Muimbi uyu anogara kuSouth Africa uko ane mabhizimisi akasiyana.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *