Akagocherwa makuhwa
MUKADZI wechidiki wekuChitungwiza ari kuyuwira nemaronda mushure mekupiswa nebota raikwata nemuvakidzani wake uyo aimupomera makuhwa. Netsai Neta (27), wepanhamba 3465 Unit D, akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts akatarisana nemhosva yekupisa nebota…
Cresswell akakuvara
MUTAMBI weWest Ham, Aaron Cresswell, achatadza kutamba mutambo wekutanga wechikwata chake zvichitevera kukuvara kwaakaita ibvi izvo zvichamuona asingapinde munhandare kwemwedzi mina.
Zviratidzo vemwana ane kwashi
sezviri pamufananidzo vana vasingawane kudya kune mapuroteni akakwana ayo anovaka muviri vanoonekwa vachiondoroka kana kuti kubatwa nechirwere chinodaidzwa kunzi “kwashiorkor” (kwashi) uye chikasadzivirirwa vanogona kurasikirwa neupenyu.
Muporofita wekunoona ‘Mwari’ oshoropodzwa
‘Ngaaongororwe njere’ ‘Mubatsirei nekukasika’ VAVERENGI vakawanda vari kutumira mashoko vachishora zvikuru muporofita weimwe chechi iri muHarare uyo anoti akaenda kudenga kaviri apo anoti akanoita hurukuro kana kuti musangano naMwari mbune,…
Sikhulile yakahwapura mukombe
CHIKORO cheSikhulile High chekuBulawayo ndicho chakahwina mumutambo weNational Association of School Heads (Nash) Stella Tea Netball Finals mushure mekukunda Pamushana High 19 -17 svondo rapera kuWhite City Stadium, kuBulawayo.
Tundazi: Gomo rinodiwa nemaporofita nen’anga
Gomo reTundazi, iro riri pedyo nenzvimbo yemabhizimisi yeSiabuwa, rinonzi rinoshanyirwa nemaporofita nen’anga dzinobva kumatunhu akasiyana ari muZimbabwe nekunze kwenyika vachinotsvaga kuzvisimbisa mumabasa avo ekurapa nekuporofita.MAPOROFITA nen’anga vanonzi vari kumhanyidzana kuenda…
Zvikoro zvekuManicaland zvotendw
Rumbidzo iyi yakaitwa nemusi weChishanu svondo rapera kwaMutare negurukota reHurumende rinomirira dunhu reManicaland, Cde Mandi Chimene, pakuparurwa kwemibairo yeManicaland Provincial Merit Awards.ZVIKORO zvemudunhu reManicaland zviri kurumbidzwa nekushanda kwazviri kuita nesimba…
Mabikirwo enyama yesusu
KARE vamwe vaiti kana munhu achida kugona kuridza mheterwa, anofanira kudya nyama yesusu remombe iri mbishi. Asi kana nyama iyi ikabikwa zvine hunyanzvi munhu anotoita seacharidza mheterwa nekunakirwa. Svondo rino Mai Mhosva…
chikoro chava njodzi
l Vana, maticha votya kufiramo l Dzimba dzapera nemuchenje CHIKORO cheChitindiva Primary School, kuHurungwe, chiri kutsvaga rubatsiro rwekuvandudza zvivakwa zvinosanganisira dzimba dzekudzidzira nedzinogara varairidzi sezvo dziri dzapera kun’en’enwa nemuchenje.
‘Vechidiki vambai mabasa’
APO vamwe vanhu vari kungodemba kuti mabasa ari kunetsa, vamwe vechidiki vari kuvamba mabhizimisi ayo ari kusimukira uye vanorumbidza chirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi, cheZim-Asset, icho chavanoti chavapa mukana nekuvavhurira magwanza…










