‘EXTRA LESSONS BODO’ . . . Ticha wepaMutasa akanzi adzosere vabereki mari
MUDZIDZISI wepaMutasa Primary School iri kuHighfield, muHarare, uyo wekubhadharisa vabereki vevamwe vana mari yekuita maextra lessons zvisiri pamutemo panguva yezororo akaigochera pahutsi zvichitevera danho rakatorwa nevakuru vedzidzo vemunzvimbo iyi rekuti
Imbondisiyai: Ndiraya . . . ‘Handina chekuita neDeMbare’ . . . ‘Imbopai Lloyd Mutasa nguva’
TONDERAI “Stanza” Ndiraya anobuda pachena svondo rino kuti haana zvaanoziva pamusoro pemashoko ari kubuda ekuti ari kudiwa kuti adzoke kunorairidza chikwata chenhabvu cheDynamos FC icho “chakamusvipa” mwaka wa2015 uchingopera.
Hanga: Kudya namambo
ZVIRI MUGAPU NYAMA yehanga mudya ndakasunga chaiwo kana ichinge yabikwa zvine hunyanzvi. Svondo rino tinavo zvakare Mai Plaxcedes Muteyiwa (47), avo vanova nyanzvi pakukaringa paimwe nzvimbo yekutandarira iri muHarare
‘Kurima nyimo kune pundutso’
MURIMI wenyimo wekudunhu reMhondoro okurudzira pamwe nekudzidzisa vamwe kurima chirimwa ichi nedonzvo rekuti vawane pundutso mumabasa avo.
Batsirai Rejoice atambura
MUSIKANA uye wekuHatfield, muguta reHarare, wekutsvaga rubatsiro rwekuti avhiyiwe zibundu rakangomera kusvikira ravhara ziso rake anoti akawana ruyamuro rwekuti aongororwe nanachiremba uye chasara imari yekuti achivhiyiwe.
Votsvaga rubatsiro rwekiriniki
VAGARI vekuwadhi 14 kwaMusana, mudunhu reBindura, vari kutsvaga rubatsiro rwekuti vakwanise kuvaka kiriniki yeMuchapondwa, iyo yavanoti yave nenguva yakareba isati yatanga kuvakwa.
‘Simudziraiwo Zim Under 20 Soccer’
MURAIRIDZI weZimbabwe Young Warriors Under 20, Jairos Tapera, anoti anoshushikana zvikuru nekusasimudzirwa kuri kuitwa vatambi vechidiki nemasangano anotsigira nhabvu.
Bumha renyuchi pamba!
SVONDO rapfuura pandakanyora nezveshasha yetsiva Charles Manyuchi handina kuziva kuti ndiri kukoka nyuchi mhenyu chaidzo kumba kwangu.
Zvipfeko zvakare nezvemazuva ano
Ticha Danga KARE kare pasi pacharohwa nenyundo vanhu vaisapfeka nhumbi sedzava kupfekwa mazuva ano. Vanhu vaisimira muviri wose asi kuti vaigadzira matehwe opfaviswa kugadzira dzainzi nhembe. Nhembe idzi dzaiva dziina…
Ndiri musikana ane makore 18 ndodawo mukomana wekushamwaridzana naye . . .
MAKADII veKwayedza? Ndinotenda nechirongwa chenyu ndakawana wandaida saka vamwe varume chirega henyu kufona pa0774 868 819. Ndapota hangu nekuti ndave naye murume wangu anondida chose.








