Vana vatatu vakapondwa

VANA vatatu vemumhuri imwe chete vekwaSabhuku Zimunge, kwaNdanga kuZaka, vakafa svondo rapera vachiita zvekutemwa nedemo nemumwe murume anofungirwa kuti murwere wepfungwa uye amai vavo vakapona neburi

Kutsikwa negonyeti remashoko

HANZVADZI yaTavengwa yakarwara zvekusara munhu afanana nemakanda amenywa pabhanana. Tavengwa akazoudzwa namai vake kuti yaive Aids. Tavengwa akanga ave mukomana ari kusekondari.

A-LEVEL — MASIMBA: Kasikai anoudzwa makobvu nematete

“SHUNGU” naMemory Rugehla (115-118) Enzaniso mberi (Nyaya yacho):

CHECHI IRI MUBAKO . . . ‘Mvura yemukasipiti inorapa’ . . . ‘Izvi ndakaita zvekutorotswa’ . . . ‘Hari dzaive muno takapunza’

KAZHINJI munhu akanzwa vanhu vachitaura pamusoro pechechi, anongofunga chivakwa kana kuti masowe. Asi kuUnit A, kuChitungwiza, kune chechi ine musiyano, iyo vanhu vanonamata vari muzibako riri pamazitombo rakavakirirwa kuita chechi…

MAKUNAKUNA: TEZVARA VAKATORA MUROORA

KWAMAMBO Musana, kuBindura, kwakaitika mashura padunhu. Munyaya yemakunakuna, kune murume akadanana nemuroora, mukadzi wemwanakomana wake wekubereka, pashure ndokubvuma mhosva nekuripa mwana wake uyu nesutu nemombe imwe chete.

Mukadzi wekupiswa kumasowe: Muporofita wacho ari kutongwa

NYAYA yemuporofita uye wekuChitungwiza ari kupomerwa mhosva yekupisa zvakaipisisa mumwe mukadzi wechidiki apo anonzi akamuti anatire mvura yaipisa akaputirwa mugumbeze achiti ari kumubvisa mweya wetsvina ichiri kuenderera mberi mudare reChitungwiza

kwayedza haiburitse zvakadaro

KWAYEDZA — bepanhau revanhu — rinoda kuzivisa vaverengi nevatsigiri varo kuti harinei nechekuita nezvimwe zvinyorwa zviri kubuda padandemutande sepaWhatsApp zvinosanganisira zvinyadzi kana manyepo izvo zvinenge zvakaiswa zita rebebanhau rino.

Nyoka negarwe mudumbu: Chechi iri kudya marasha

KASIKANA kaye kane makore 14 ekuzvarwa kemuHarare, kekureura kuti ndiko kakaroya mainini vako munin’ina waamai, ndokuisa nyoka, garwe nemupurwa mudumbu mavo iro rave kugara rakafutunuka sevane pamuviri, kanonzi kakadzingwa kuchechi…

Mwana wekutsakatika: Musha wakaendeswa kumuporofita

NYAYA yemwana uye anonzi akangotsakatika mugore ra2002 kupurazi reMvuranhema, kuMvurwi, yakwira makata sezvo murume ari kupomerwa kuti ane chekuita nekushaikwa kwemwana iyeyu, zvose nemusha wose, vakaendeswa kumuporofita namambo weko nedonzvo

Goho regorosi rodzikira: Marapira

Yvonne Chidochashe Manyanja MUTEVEDZERI wegurukota rezvekurima rinoona nezvezvirimwa, Cde Davis Marapira, vanoti Hurumende iri kushushikana zvikuru nekudzikira kuri kuita goho regorosi uye panofanira kutorwa matanho akasimba ekugadzirisa dambudziko iri.

×