Makuva avharwa nesora
VAGARI vekuUnit L, kuSeke South, kuChitungwiza, vari kugunun’una zvikuru nekuda kwemamiriro emakuva anodarika 105 000 ari munzvimbo iyi ayo asiri kuchengetedzwa zvakanaka sezvo ari mukati memhundwa yemasora
Kwakabva zita: Gowa (Buhera North)
KuBuhera North kudunhu rekwaViriri kune karwizi kanonzi Gowa (soda water). Gowa kureva mvura inovava. Mvura inoyerera mukarwizi aka hainwiki nokuvava. Yakanakira pakuwacha mbatya dzine mavara akasvibira (dark
Akanyimwa mari anobvisa hembe
Amager Mufema IMWE chembere inoti muzukurukomana wayo ari kuishungurudza zvikuru uyo anoti kana akakumbira mari akanyimwa anobvisa hembe dzose onorara pamubhedha wayo ari musvo.
– Mutupo – Shava Mhizha
Maita Mhizha Zvaitwa Nhuka. Maita Mukonde wangu yuyu, Vamangurirambezhu vava, Vasingabati mbezhu neshangwa. Maita Mhizha yangu yiyi, Mupaya, waMabweadziva, Vakadzivira Dzimbabwe kwaMwari. Maita vari Bvumbura, Aiwa zvaonekwa Shava yangu yiyi.…
Duramazwi: CHISEKERANZIRA
Uyu musikana asina tsika anodadana chero nemukomana wese amutanga.
Chitungwiza: Musha mukuru pakudii?…Marara haatorwe, mitero ichibhadharwa
MUKURU wesangano reChitungwiza Residents Trust, VaMarvelous Khumalo, vanoti vagari vemudhorobha iri vane zvinyunyuto zvakawanda zvichitevera kusaitwa kwebasa nemazvo nekanzuru yavo.
‘Ndakarohwa nemugoti’
Yvonne Chidochashe Manyanja VAMWE samusha vanoti vanogara vachizvambaradzwa pamwe chete nemukadzi wavo neshamwarikadzi yavaimbodanana nayo iyo iri kuramba kurambwa.
Dambarefu rechimbo chenhamo
VANHU hatidziidze. Unoona munhu achienda pamba pen’anga panonhuhwa nhamo kuti anopihwa mushonga wekuti apfume. Ko sei n’anga yacho isina kutanga yazvipfumisa iyo? Kana kuti sei vakadzi nevana ven’anga yacho
Varoora vorwira musha watezvara
Yvonne Chidochashe Manyanja VAKADZINYINA vakaendesana kumatare edzimhosva zvichitevera kunetsana kwavari kuita nenyaya yekusagarisana zvakanaka pamba patezvara vavo apo mumwe nemumwe wavo ari kuda kutonga.
Mutengesi wemapepa eZimpapers akashaya
MUMWE wevanotengesa mapepanhau ekambani yeZimpapers, VaTakundwa Michael Muchabaiwa (79), vakashaya nemusi weChipiri svondo rino mutsaona yemotokari apo vaiva pabasa muHarare.

