Akanyimwa mari anobvisa hembe

Amager Mufema
IMWE chembere inoti muzukurukomana wayo ari kuishungurudza zvikuru uyo anoti kana akakumbira mari akanyimwa anobvisa hembe dzose onorara pamubhedha wayo ari musvo.

Basita Jaziel akaendesa Tafadzwa Jaziel (23) kudare reHarare Civil Court.

“Changamire, ndauyo kudare ndichikumbira gwaro redziviriro nekuda kwaTafadzwa uyo anoti akakumbira mari ndikasamupa anotanga kuparadza midziyo yemumba achinditukirira zvisina mukare akamboona.

“Nguva nenguva ndinogara ndichimupa mari nekutya kutukwa kana kurohwa asi dzimwe nguva pandinoshaya mari ndinomutaurira kuti handina mari muzukuru iye obva abvisa mbatya dzake dzese ouya kuzorara pamubhedha wangu,” akadaro Basita.

Akaenderera mberi achiti Tafadzwa akaramba chikoro achida zvekugara pamba nekungondikumbira mari.

“Akaramba chikoro achiri mudiki ndokutanga kuita zvaave kundiita izvi zvekugarondikumbira mari pese-pese,” akadaro Basita.

“Ndokumbirawo kuti dare risamudzinge pamba kana kumuita chimwe chinhu nekuti anorwara neTB asi kungondipa gwaro redziviriro chete.” Tafadzwa haana kuuya kudare kuti azopa divi rake.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa gwaro redziviriro kuna Basita akati Tafadzwa aifanirwa kuchengetedza runyararo pakati pake naambuya vake.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *