Mutengesi wemapepa eZimpapers akashaya

MUMWE wevanotengesa mapepanhau ekambani yeZimpapers, VaTakundwa Michael Muchabaiwa (79), vakashaya nemusi weChipiri svondo rino mutsaona yemotokari apo vaiva pabasa muHarare.

VaMuchabaiwa vakashandira kambani iyi apo vaifamba nebhasikoro vachiendesa mapepanhau kunzvimbo dzakasiyana kwemakore 35.

Vakazoenda pamudyandigere musi wa31 Chikunguru 1999. Asi nekuda kweshungu dzebasa, vakadzoka zvakare kuzotengesa mapepa.

VaStanely Chimenya, avo vanova mukuru anoona nezvekufambiswa kwemapepanhau kuZimpapers (Harare Branch), vanoti kambani iyi yarasikirwa zvikuru nemushandi ange akazvipira pabasa.

“Tiri kuchema pamwe nemhuri yaVaMuchabaiwa avo vakatsikwa nemotokari yakange iri kutiza mapurisa mumugwagwa waCoventry, muHarare. VaMuchabaiwa vange vari sachigaro anomiririra vatengesi vemapepanhau,” vanodaro.

VaMuchabaiwa vanotarisirwa kuvigwa neChina chino kumusha kwavo kwaChikwaka.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×