MAONERO EDU: President Xi, icasa: Nhasi ndezveduwo!
GORE ra2015 richapinda munhoroondo yenyika ino segore rakaitika zvinhu zvikuru zvakananga kusimudzira budiriro yeZimbabwe. Regai vechidiki vati, “Zvedu zvakabhadhara.” Kureva kuti zvinhu zviri kufamba zvakanaka. Tinodaro nekuti ndiro gore iro rakaitika…
AKAZVIURAYA AMOMOTERWA NEZVIKWERETI
MUKADZI wemubhuku raKwaramba, kwaSeke, akafa nekuzvisungirira mushure mekunge amomoterwa nezvikwereti zvemari zvaaitora murume wake asingazive.
‘NDINE MUSHONGA WEKUDIWA’. . . pfambi dzichitobata ‘mhene’ . . . mukadzi wemunhu achitoda
N’ANGA yekuChipinge ine mukurumbira, inoti ndiyo inopa mishonga yekudiwa – “mudiwadiwa” – kupfambi nema”small-house”, zvose nekuvarume, kuti vasarambwe nemunhu waanenge ada.
‘NDINOITWA MUKADZI NEZVIDHOMA’. . . zinyoka richitenderera mumba . . . ogumisira azvikanda mumoto
PANE mukadzi wekuEpworth anoti aoneswa pfumvu nezvidhoma 12 izvo zvinomuita mudzimai wazvo pamadiro uye dzimwe nguva onobatwa nemweya unomuita kuti azvikande mumoto achiguma atsva muviri wose.
Kakatanga kari kabundu
MUKADZI wekuMuzarabani atambura zvikuru nezinyama riri pachidya chake iro raanoti rakatanga kari kabundu kadiki-diki kusvikira kakura zvakanyanya.
PSL: SHASHA DZACHO
CHICKEN Inn ingakwanise here kuchengetedza mukombe weCastle Lager Premier Soccer League uyo wayakabvutira Dynamos mushure mekukunda Harare City 3-1 svondo rapera? Uyu mubvunzo uri pamiromo yevakawanda
DOMBODZVUKU YAKAPEMBERERA
KWAKANGE kusingadanwe anonzwa paDombodzvuku Primary School, kwaMurerwa, nemusi weChishanu svondo rapera apo chikoro ichi chakaita mabiko ekupemberera kusvitsa kwacho makore 100 kubva pachakavambwa.
Zvimbokoma zvobaka paChi-town
ACHANGE ari makuwerere nemusi weMugovera paSt Mary’s Hall kuChitungwiza uko vatambi 40 vari kusimukira mumutambo wetsiva vacharwa mumakwikwi eBoxAfrica Series Boxing Tournament.
‘Idyai chikafu chinovaka muviri
HURUMENDE svondo rapera yakaparura chirongwa chakananga kuwanisa veruzhinji kudya kunovaka muviri, cheNational Food Fortification Strategy 2015.
Seed Co yopemberera makore 75
Cassius Mushore KAMBANI ine mukurumbira wekuuchika mbeu munyika muno yeSeed Co svondo rapera pamberi yakapemberera kusvitsa makore 75 yavambwa kuburikidza nekudyara miti pazvikoro zveMarnocks Primary nesekondari kuStapleford











