Mvura shoma: Edza kurima nyemba

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig KANA takatarisana nekunze kuri kunzi hakuna kumira zvakanaka panyaya yekunaya kwemvura, nyemba ndechimwe chezvirimwa chinokurudzirwa kuti varimi vabatane nacho kuitira kugadzirisa nyaya yegohwo nechikafu mukati mumvura…

O-LEVEL — NDIKO KUSASANA: Lily anoda kuti nyaya yaSekai ichipera

Ticha Tichaziva CHITSAUKO 7 (Ongororo: Enderero mberi): Muchirongwa ichi maikurukurwa nezvevanhu vanotsvaga mari vachinyepedzera urema kana chimwe chinhu chinenge chavaita kuti vasava nemari. Mushamarari akatoti munyika dzakaita seBrazil vabareki vanotoremadza…

A-LEVEL — MASIMBA: Baba vaChenai vava kurwara. . . mumusoro mavo muzere mvura

Ticha Tichaziva “CHIROJA” naKeresia Chateuka (17-19) (Enderero mberi): Musi uyo murume wemudzimai uyu anouya akabipitira kutakura chivhitivhiti, mukadzi anofara chaizvo izvo zvinodimikirwa zvichinzi, “Ndakange ndichabata denga nekufara” (18).  Musi uyo…

GRADE 7: Mitupo nemadzinza

Ticha Danga ZVIROKWADO zvikokotwa gapu rechemembere. Kubikwa kwegapu rechembere hakuna nzira chaiyo inotevedzerwa asi vanhu vanoonekwa vachinanzva mawoko kubvira mumagokora kusvika kuzvanza. Chinonyanyonakidza ndechekuti hakuna anenge achinyatsoziva kuti mugapu

Kunge chingwa chanyobvorwa

MWANASIKANA wangu, ndinoda kuti ushande kwete kushandirwa. Ndinoziva kuti vasikana munoda kuchena nekuonekera, asi usakanganwe kuti mationese akapedzesa mbudzi dzevauya. Ndinoda kuti ukoshese nguva. Uzive kuti ndidye, ndidye akadya zvimbishi.…

Vovakisa muzinda wemabasa kwaMurehwa

Muchaneta Chimuka VAGARI vekwaShe Mangwende, kwaMurehwa, vanotarisirwa kubatsirikana zvikuru mumabasa ebudiriro zvichitevera kuvakwa kuri kuitwa muzinda wekuitira mabhindauko akaita sekusona nekuveza mudunhu iri. Chirongwa ichi chiri kutungamirirwa naVaEvans Magwende (43), avo

Hurumende yakazvipira kusimudzira varimi: Chimene

Cassius Mushore HURUMENDE yakazvipira kusimudzira varimi vekumaruwa kuti vakwanise kuita basa ravo vachishandisa michina yechizvino-zvino nedonzvo rekuti vafambirane nenguva pamwe nekuwana goho guru. Mashoko aya akataurwa nguva pfupi yadarika negurukota reHurumende…

Szczesny ari panguva yakaoma kuRoma

MUBATI wepagedhi weArsenal, Wojciech Szczesny, ari panguva yakaoma kuRoma uko kwaari kutambira nechikwereti zvichitevera nyaya yekunzi akaburitswa muchikwata ichi abatwa achisvuta fodya. Chizvarwa chekuPoland ichi chakabhadhariswa faindi naArsene Wenger muna Ndira…

Akafa arumwa nenyuchi 1

Daphne Machiri MURUME wekuAvondale, muHarare, akafa rufu runoshamisa apo anonzi akarumwa nenyuchi imwe chete pachigunwe nguva pfupi yadarika. David Manyowa (28), uyo aigara panhamba 28 Ridge Road, anonzi mukukura kwake…

Vorwira nzira yekutsime

Nyasha Chabvonga VAMWE vavakidzani vaviri vakakatyamadza vanhu vaive mudare apo vainetsena pamusoro penzira yekunochera mvura pamwe chete negadheni. Ashel Ngwende akamhan’arira Wilson Chikanga kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza. “Changamire, ini ndinogara

×