Seed Co yopemberera makore 75

Cassius Mushore
KAMBANI ine mukurumbira wekuuchika mbeu munyika muno yeSeed Co svondo rapera pamberi yakapemberera kusvitsa makore 75 yavambwa kuburikidza nekudyara miti pazvikoro zveMarnocks Primary nesekondari kuStapleford padyo neguta reHarare.

Vachitaura pachiitiko ichi, mukushi wemashoko kukambani iyi, Muzvare Marjorie Mutemererwa vakati miti yakakosha zvikuru muupenyu hwevanhu nekudaro inofanira kudyarwa pamwe nekuchengetedzwa.

“Kudyara miti kwatiri kuita nhasi uno pazvikoro zveSt.

Marnocks chimwe chezvirongwa zvatiri kuita mukupemberera kusvitsa kwekambani yedu makore 75 yavambwa.

Nguva yadarika takapawo mabhini ekuisa marara kukanzuru yeHarare pamwe nemakombiyuta kuchikamu chinoona nezvemamiriro ekunze,” vakadaro.

“Miti ndiyo inoita kuti vanhu vawane mweya wekufema wakanaka asi vanhu vakatadza kukoshesa miti vachingotema-tema pavadira panozova neshanduko yemamiriro ekunze izvo zvinokonzera matambudziko anoti kupisa kwakanyanya kwezuva nekushaikwa kwemvura.”

Vachitaura pachiitiko ichi, mukuru weSt Marnocks Primary, VaSolomon Mandizvidza, vakatenda Seed Co nebasa guru rairi kuita mukuchengetedza nharaunda.

“Tinoda kuvatenda zvikuru nemiti yavatipa, tinovavimbisa kuti tichaichengetedza kuti ikure zvakanaka nekuti mumiti ndimo munobva mweya wekufema unova wakatikoshera,” vakadaro.

Vakati chishuwo chavo kuti kambani iyi icharamba ichitsigira chirongwa chekudyarwa kwemiti pamwe nekupa dzidziso kune veruzhinji, zvikuru vechidiki.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *