Mambo omhanya nebudiriro
MAMBO Chimombe vekuBuhera vari kutungamirira mukusimudzira budiriro yemudunhu ravo, zvikuru mabhindauko emabasa emawoko.
Seed Co yakabatsira Dombodzvuku
KAMBANI huru pakuuchika mbeu, yeSeed Co Zimbabwe, svondo rapera yakapa rubatsiro kuchikoro cheDombodzvuku Primary School apo chiri kupemberera kusvitsa kwacho makore 100 kubva pachakavambwa.
Muroora anobata amwene ‘huruweki’ . . .‘IBHINYA CHAIRO AKAMBONDIDZIPA’
Nyasha Chabvonga VAMWENE vekugara vachifurufushwa nemuroora wavo vakapedzisira vapotera kudare vachiti ibhinya nekudaro vaitya kuti anogona kuvauraya sezvo akambovadzipa mushure mekunge varwisana.
Onzi anochengeta vana vasiri vake
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akati aida mari yakawanda yemendenenzi kubva kune aimbove murume wake yekuti abhadhare kuchikoro kuchadzidza mwana wavo sezvo zvisingaiti kuti afunde pachikoro
MAONERO EDU: Kana zvaramba edza chipatara
SVONDO rino tine nyaya mbiri dzemadzimai ari kutambudzwa zvikuru nezvinhu zvakasiyana, zvinoti mumwe ari kumera zinyama pachidya chake neanoti ari kuoneswa pfumvu nekuitwa mudzimai wezvikwambo kana kuti zvidhoma.
iri musikana ane makore 19 ndotsvakawo mukomana ane makore 22 – 25 wekuroorwa naye . . .
NDAKAWANA wandaida saka vose vachiri kufona pa0778 201 354 ngavachirega havo. ****** Ndinotsvakawo musikana wekuroora ane makore 18 kusvika 20 asina kumbobvira aroorwa kana kuita mwana.
Nemuroyi anodawo denga
KANA muroyi akadonhera pamba pemupositori, hazvireve kuti auya kuzonamatirwa kana kushandirwa. Hongu, kudonhera kwake pamba pemupositori nekudura kwake kuti muroyi adonhedzwa nevamwe vake kubva pabere kana
Zvekuzopara ngozi ini handidi
MAKASIMBA here Tete Chiapangamazano? Ndiri mukadzi ane makore 22 ekuberekwa, murume wangu aine makore 28. Tine mwana mumwe chete ane makore mashanu. Dambudziko rangu nderekuti murume wangu akaita mumwe
Zvamakati igore rezvidzidzo, dzidzaika!
CHISINGAPERI chinoshura. Vakashaura, vashaurazve kuti kana iri Zimbabwe, chikanganwai. Vakatsoropodza vatsoropdza zvakare kuti kana ari mutungamiri wacho President Mugabe chikanganwai nezvake.
Mugapu munei?
Ticha Danga NGUVA yatiri iye zvino ndeye rurasademo nekuti takapedza kunyora bvunzo. Asi hazvirevi kuti ndiyo nguva yokuswaradza. Ichokwadi tiri kuswera tichipishana naro bhora rechikweshe mumigwagwa nemumapani. Idzo nhondo



