Zivai mbeu yekurima: Seed Co

VARIMI vakakurudzirwa kudyara mbeu dzechibage nedzimwewo dzinofambirana nematunhu avo nedonzvo rekuti vawane goho rakanaka zvichitevera kushanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

Chikosoro, shuga, tb hochekoche

CHIRWERE cheshuga nechikosoro cheTB zvakaonekwa kuti zvine kudyidzana. Zviviri izvi zvikasarapwa nekukasika nekutorwa sezvinhu zvine ngozi tingawanikwe tasvika pamakore ekuma 1990 apo HIV neTB zvakashura mare. HIV/TB yakanetsa zvekuti Hurumende…

‘ZIFA INODA TAKAVADA’

MURAIRIDZI wechikwata cheChicken Inn, Joey “Mafero” Antipas, anoti nhabvu yemuno inobudirira bedzi kana ikatungamirirwa nemunhu akambotamba mutambo uyu sezvo anenge aine ruzivo rwakadzama.

IREZA MUCHIKORO . . . Mibairo 16 mumakore maviri

MUSIKANA wechidiki wekuChitungwiza ari kuita zvinorova muchikoro pamwe chete nezvigadzirwa zvesainzi izvo zvaona achikumba mibairo inosvika 16 mukati memakore maviri adarika.

Dimikira rinoita kuti mutauro upfume

Ticha Danga PANOPFURWA demo kana sanhu rinobva ranzi risiiwe rakapinza kunge nhavhaya kuitira kuti rinyatsopinza paya parinenge rotemeswa.

‘Tava kudzidzisa nerurimi rwaamai’

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti riri kushanda nesimba mukusimudzira mitauro yose inocherechedzwa mubumbiro renyika sezvo yakakosha mubudiriro yeZimbabwe.

‘Wanisai vana mikana yedzidzo yakaenzana’

SANGANO rinorwira kodzero dzevanorarama nehusope, reAlbino Charity Organisation of Zimbabwe (Alcoz), rinoti vana vose vanofanira kuwaniswa mikana yakaenzana yekudzidza zvisinei nehurema hwavanenge vainahwo.

Mudzimai anoimba chitendero osimukira

MUDZIMAI wekuDomboshava uyo anove muimbi wechitendero ari kusimukira akabura dambarefu rake rekutanga rine nziyo nomwe iro riri pamusoro pematambudziko akasiyana anosangana neveruzhinji pakurarama akaita

Unodyiwa nemaperefita!

NDINOTI makorokoto kumadzimai akabuda muKwayedza masvondo maviri adarika vakanga vachiti vakanwiswa ropa kumasowe. Ndinoti makorokoto nekuti vakakwanisa kupunyuka kubva mumawoko ezvikara zvakanga zvagadzirira

Ndakabatiswa pasi nemukomana

MAKASIMBA here Tete Chipangamazano? Ndiri musikana ane makore 25 ekuzvarwa, ndine pamuviri ndiri kuchengetwa natete vangu, hanzvadzi yababa.

×