Ndakabatiswa pasi nemukomana

MAKASIMBA here Tete Chipangamazano? Ndiri musikana ane makore 25 ekuzvarwa, ndine pamuviri ndiri kuchengetwa natete vangu, hanzvadzi yababa.

Dambudziko rangu nderekuti mukomana akandipa pamuviri apa akaenda kunoshanda kuMasvingo, ini ndinogara kuChegute, akasiya avimbisa kuti ari kudzoka achiroora.

Asi pari zvino ave kungonzvenga-nzvenga zvekuti hatichaziva zvekufunga pakadai.

Ndoitawo sei tete, ndingangogariswa paguyo sembwa munhu asisade hake?

Kumhuri yekwavo ndakaratidzwa vakoma nehanzvadzi dzake, vabereki vake vari kumusha kwaMutoko.

Roselyn Mapoka.

Chegutu.

MHINDURO:

Iri ndiro rinonzi dambudziko muzukuru. Ndokusaka tiri kukurudzira kuti tidzokere pachivanhu chedu, nekuti pachinyakare hakuna mwana aibvuma kushereketa nemukomana asina kumubvisira pfuma.

Asi iye zvino musikana ava kungoti akadanana nemukomana, kusina nguva vatoshereketa vose.

Zano randingakupa muzukuru nderekuti kana kumusha kwevabereki vake uchikuziva, perekedzwa natete vako, unogara ikoko kusvika wasununguka pamuviri ipapo.

Ivo ndivo vachaziva matsvagiro avanoita mwanakomana wavo.

Haangambogara kwaari ikoko asingauye kuzoona vabereki wake.

Tete.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *