Vodzurwa mazino kumasowe

MUPOROFITA wekuChitungwiza ari kuita zvinotyisa — anodzura varwere mazino musango achishandisa mawoko ake uye pasina kana dziviriro yekutapurirana hosha zvekuti kumusangano wepagore uchangobva kuitirwa kuMarondera,

‘Batai munhu, zviri kuitwa handizvo’

MUTAURIRI wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Mai Audrey Tasaranarwo, vanoti zviri kuitwa nemuporofita weko, uyo ari kudzura varwere mazino achishandisa mawoko ake pasina zvimwe zvakaita

MAONERO EDU: Musaise upenyu hwenyu panjodzi

NYAYA yekuchengetedza utano yakakosha zvikuru kunyangwe zvazvo kuine vamwe vanhu vanoita zvedambe nayo. Asi pakupedzisira vanozochema kana vachinge vasangana nehurwere.

Mhandara yoramba kudzokera kumba

Kudakwashe Chinokuya MUKOMANA wekushinha nemusikana wake ndokumubvisa humhandara akaigochera pahutsi zvichitevera kutizirwa kwaakaitwa uye musikana uyu ari kuramba kudzokera kumba kwavo.

Dombodzvuku: Makore 100 nefundo

Mathew Masinge CHIKORO cheDombodzvuku Primary School chekwaMurehwa, kuMashonaland East, mwedzi unouya chiri kupemberera kusvitsa kwacho makore 100 kubva chavambwa.

Mombe 5 dzekutora mukadzi wasahwira l‘Uri kutamba, ini handirambwe zvekumhanya’

MUMWE mudzidzisi wepachikoro chiri kwaMudhindo, kuGuruve, svondo rapera pamberi akaripiswa mombe shanu nedare raMambo Bepura zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva yekudanana pamwe nekushereketa

ZFU yochema nekudzimwa kwemagetsi

SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union rinoti kudzimwa-dzimwa kuri kuitwa magetsi parizvino kwakanganisa zvikuru gadziriro dzekurimwa kwefodya pamwe negorosi remuchando sezvo zvirimwa izvi zvisiri

Tadzoka: CAPSl Taneta nekuomberera zvimwe zvikwata: Jere

MUKURU weCAPS United, Farai Jere, anoti yasvika zvino nguva yekuti “The Green Machine” kana kuti ‘’Kepe-kepe’’ ichidzokera pachigaro chayo chekuva chikwata chikuru munhabvu yemuno sezvayaimbove kare apo yaizivikanwa

Perekedzai madzimai enyu kusikero: zinpa

SANGANO rinomirira machiremba echivanhu nemaporofita, reZimbabwe National Practictioners Association (ZINPA), riri kukurudzira vanhurume kuti vaende kunoongororwa utachiona hweHIV pamwe chete nemadzimai avo,

Mudede atambura nebundu

MUSIKANA wekuStoneridge, muHarare, ari kutsvaga rubatsiro kune veruzhinji rwekuti arapwe zibundu riri paziso rake, iro raanoti rinomurwadza zvikuru.

×