MAONERO EDU: Nyaya dzebvunzo dzinoda kuwirirana

MaZUVA ano kune nyaya iri kutsviriridza zvikuru, nyaya yakatangwa namuzvinafundo Caiphus Nziramasanga yekuti vadzidzi muzvikoro vachiregedza kunyora bvunzo dzeGrade 7 neO-Level. Ongororo yakaitwa naDr Nziramasanga

Chidzambwa ari kudemba

MURAIRIDZI wenhabvu ane mukurumbira, Sunday “Mhofu” Chizambwa, anoti kunyangwe zvakanaka chaizvo kuti vatambi vemuno vaende kunotambira nhabvu kunze kwenyika, nekune rimwe divi izvi zviri kukanganisa

pfambi iri kumera hohwa…‘Ndakagadzirwa nechikomba chekuSouth Africa’

MUSIKANA wechidiki wemuHarare, uyo ari kupupura kuti anoita zvechipfambi, anoti ari kumera zvinhu – zvimwe zvacho zvinenge hohwa – kusikarudzi yake mushure mekunge ashinha pabonde nemumwe murume waasingazive

MAONERO EDU: Bhadhara mari mwana afunde

SVONDO rino tine nyaya mbiri dzine chekuita nekusimudzira dzidzo muZimbabwe. Yekutanga ndeyaMambo Chihota, avo vari kutora matanho ekuona kuti vabereki vemudunhu ravo vabhadhara mari dzechikoro dzevana

‘vana vose kuchikoro’l Mambo Chihota votonga vabereki vasingaendese vana kuchikoro nevane zvikwereti

MAMBO Chihota vekuMashonaland East vari kubatsira zvikoro zviri mudunhu ravo kubhadhara zvikwereti zvemari dzevana muzvikoro kuburikidza nekutonga avo vanenge vasina kubvisa mari idzi.

akaparadza mubhedha arambwa

SHANJE dzinobaka semoto dzakaparira mumwe murume wekuChitungwiza, uyo akatongerwa nedare kugara mujeri mushure mekubatwa nemhosva yekuparadza midziyo yeshamwarikadzi yakamuramba iyo yave kudanana

‘Rimai zvirimwa zvidiki’

SANGANO reCluster Agricultural Development Services (CADS), rakabatana nereAfrican Deli Foods, rokurudzira varimi kurima zvirimwa zvidiki zvakaita semhunga nemapfunde sezvo zvichishingirira muzuva uyewo

Vechikuru ipaiwo ropa: NBSZ

Mathew Masinge SANGANO reNational Blood Services Zimbabwe (NBSZ) rinoti vechidiki, zvikuru vari kuzvikoro zvesekondari nemayunivhesiti, ndivo vari pamberi munyaya dzekupa ropa pachena munyika muno.

Kudyarwa kwemiti kwotekeshera

RIMWE sangano rakazvimirira roshanda nemadzishe, vemachechi, makambani anotengesa fodya pamwe nemapoka akasiyana mukuvandudza masango kuburikidza nekudyara miti kumativi mana enyika.

Akafukunura guva remwana arambwa

VAGARI vekupurazi reScorra, kuHwedza, vakasara vazere nekushamiswa zvose nekutya nenyaya yemumwe murume anonzi akaenda kuguva remwana wake akafa ari kasvava, ndokunorichera achibva aburitsa chitunha, icho

×