Ne$1 atova muridzi wemota
CONSTANTINE Musango (56) wekuGlen Norah B, muHarare, ndiye akaita rombo rakanaka rekuhwinha motokari yerudzi rweNissan MP 300 yekambani huru pakudhinda mapapenhau pamwe nekutepfenyura, yeZimpapers,
Mitambo yebasketball yorongwa
SANGANO reBasketball Union of Zimbabwe riri muhurukuro nereZambia Basketball Federation uye nereMozambique dzekuronga mitambo yehushamwari iyo ichabatsira chikwata chemuno mugadziriro dzekuenda
MUPOSITORI AKAVHIYA CHITUNHA
. . . ndokuburitsa kasvava mudumbu MURUME mupositori wechechi yeJohane Marange wekwaMuparutsa, kuHonde Valley, akasungwa nemapurisa achipomerwa mhosva yekutumbura kana kuti kuvhiya mutumbi wemukadzi ainge afa aine pamuviri ndokuburitsa
Seed Co yobura mbeu itsva
KAMBANI huru inouchika mbeu munyika yeSeed Co Zimbabwe inoti ine tarisiro yekuwedzera mbeu itsva, zvikuru idzo dzinoshingirira muzuva mwaka uri kutevera nedonzvo rekuti varimi vawane pundutso mubasa ravo. Izvi zvakataurwa…
Petr Cech akasangana nenhengo dzeChelsea
MUBATI wepagedhi, Petr Cech, akasangana nenhengo dzeChelsea musi weMugovera vakakurukura pamusoro peramangwana rake apo akavazivisa kuti anoda kubva kuchikwata ichi.
Doro nekunwa maARV hazvifambirane
Kurarama Neutachiona hwe HIV muina Catherine Murombedzi VANHU vazhinji vanoraradza nekunwa doro zvakapfurikidza vanokanganwa kunwa maARV emanheru mushure mekunge hwahwa kana zvinodhaka zvava kutonga.
Sekuru (61) Kwicho Pamukadzi Wemunhu (21)
YAKAVE batai-batai mumusha weWaterfalls, muHarare, nguva pfupi yadarika apo imwe harahwa yakarohwa senyoka yapinda mumba mushure mekubatikidzwa ichisasana nemudzimai wemuridzi uyo anogona kuita muzukuru
Kudya mabvisvo ane kirimu
IMBWA HAIHUKURE SADZA TAKAKURA tichitya vanhu vakuru. Taitya vanhu vakuru kwete nekuti vairova, asi nekuti maonero avo aipesana needu. Zvataida, hazvisizvo zvaidiwa nevakuru. Pataida kutambira, hapasipo paidiwa nevakuru.
Rudo ada Joe
CHITSAUKO 12 (Ongororo: Enderero mberi) Enzaniso tinodziona dzichishandiswa asi zvisina hazvo kuwanda. Panosvika Ozius Maware kuti azoedza mhanza yake









